bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Titus 2
Titus 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Chako iwe kudzidzisa chidzidziso chinovaka.
2
Taurira varume vakuru kuti vazvibate pakunwa, vave vanokudzikana, vakangwara vane chitendero kwacho vave norudo kwaro nemwoyo mumwechete.
3
Taurira vakadzi vakuru kuti vave vakatsiga vasina makuhwa kana kuva varanda vedoro; vanofanira kudzidzisa zvinhu zvakanaka, nenzira iyoyo
4
vagodzidzisa madzimai echidiki kuda varume vavo navana vavo
5
vakangwara vari vatsvene, vanochengeta dzimba dzavo, vano mutsa vanoteerera varume vavo kuti shoko raMwari rirege kushorwa.
6
Saizvozvo, taurira varume vechidiki kuti vazvibate.
7
Mune zvinhu zvose, iwe pachako vape muenzaniso wezviito zvakanaka uye mukudzidzisa kwako varatidze kuva pachokwadi uine chiremera
8
nechidzidziso chakakwana chisina chingatsoropodzwe kuti vanopikisana newe vanyare vasina chakaipa chavangataure nezvedu.
9
Taurira varanda kuti vateerere vatenzi vavo vavafadze muna zvose, kwete kuvapindura
10
uye varege kuvabira, asi kutoratidza kuti vakanaka uye vanogona kuvimbwa navo zvechokwadi uyewo zvizere kuti muna zvose vayemurise chidzidziso chaMwari Muponesi wedu.
11
Chikonzero chacho ndechokuti nyasha dzaMwari dzakaratidzwa pachena kuti vanhu vose vaponeswe
12
dzichitidzidzisa kusiyana nezvisina chitendero nehavi dzezvenyika uye kuti tigare upenyu hokuzvibata huri pachokwadi hune chitendero panyika pano
13
tichimirira chitarisiro chedu chine rufaro chokuoneka kwembiri kwaMwari wedu mukuru nomununuri wedu Jesu Kristu.
14
Akazvipira pamusana pedu kuti atinunure kuuipi hwose uye kuti azvichenurire vanhu vake pachake vane shungu dzokuita mabasa akanaka.
15
Taura zvinhu izvi pachena uchikurudzira nokutsiura nesimba rose usabvumire kuti pave neanozvikudza.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3