bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
1 Corinthians 16
1 Corinthians 16
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Zvino, kana zviri zvipo zvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira Chechi yeGaratia, itai nemiwo saizvozvo.
2
Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuunganidzwa, kana ndichisvika.
3
Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda netsamba, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusaremu.
4
Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vangaenda neni.
5
Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMasedhonia; nokuti ndinogura neMasedhonia.
6
Zvimwe ndichagara nemi, kunyangwe ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda.
7
Nokuti handidi kukuonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemi chinguva, kana Ishe achinditendera.
8
Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekositi.
9
Nokuti ndazarurirwa musuwo mukuru, une basa guru; navadzivisi vazhinji varipo.
10
Zvino kana Timoti achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe, sezvandinoita neniwo.
11
Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anomuzvidza. Asi muperekedzei norugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwechete nehama.
12
Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti auye kwamuri pamwechete nedzimwe hama; asi akanga asingatongodi kuuya zvino, achauya hake kana awana nguva yakanaka.
13
Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe.
14
Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.
15
Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaSitefani, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkia, vakazviisa kuti vashumire vatsvene.
16
Kuti nemiwo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata basa iri.
17
Ndinofara nokuuya kwaSitefani, naFochunatosi, naAkayikosi; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi.
18
Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro.
19
Chechi dzapaEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwechete nechechi iri mumba mavo.
20
Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene.
21
Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu.
22
Kana munhu asingadi Ishe, ngaave akatukwa. Ishe anouya!
23
Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi.
24
Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16