bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
1 Thessalonians 2
1 Thessalonians 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Nokuti nemi, hama dzangu, munoziva kuti kupinda kwedu kwamuri hakuna kuva pasina.
2
Asi takati tatambudzika nokuitirwa zvakaipa muFiripi, sezvamunoziva, takatsunga muna Mwari wedu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari pakati pokudziviswa kukuru.
3
Nokuti kurayira kwedu hakuna kubva pakurashika, kana pakufunga kwakaipa, kana pakunyengera;
4
asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tipiwe Vhangeri, ndizvo zvatinotaura; tisingaiti kuti tifadze vanhu, asi Mwari anoedza mwoyo yedu.
5
Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namanomano okukarira pfuma, Mwari chapupu;
6
tisingatsvaki kukudzwa navanhu kana nemi, kana navamwe, kunyangwe taigona kukuremedzai, zvatiri vapostori VaKristu.
7
Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake;
8
saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Vhangeri yaMwari bedzi, asi kunyangwe nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.
9
Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata basa usiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari.
10
Imi muri zvapupu, naMwariwo, kuti taifamba noutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imi vanotenda.
11
Sezvamunoziva kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo,
12
tichikurairai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye anokudanirai kuushe hwake nokubwinya kwake.
13
Saka isuwo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatawo mukati menyu, imi munotenda.
14
Nokuti imi, hama dzangu, makava vateveri veChechi yaMwari riri muJudhiya muna Kristu Jesu; nokuti nemiwo makatambudzwa saizvozvo novekwenyu, sezvavakatambudzwa ivo naVaJudha.
15
Ndivo vakauraya Ishe Jesu navaPorofita, vakatidzinga isu, vasingafadzi Mwari, vachirwa navanhu vose;
16
vanotidzivisa kuti tirege kuparidzira vahedheni, kuti vaponeswa; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi kutsamwa kwakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma.
17
Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamwoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tionane nemi pachiso;
18
naizvozvo taida kuuya kwamuri, ini Pauro, kamwe uyezve rwechipiri, asi Satani akatidzivisa.
19
Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paIshe wedu Jesu pakuuya kwake?
20
Nokuti imi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5