bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 John 1
2 John 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
1
Mukuru kuna mai vakasanangurwa navana vavo vandinoda nechokwadi; ndisati ndiri ini ndoga, asi navosewo vanoziva chokwadi;
2
nokuda kwechokwadi, chinogara matiri, chichagarawo nesu nokusingaperi.
3
Nyasha, nengoni, norugare zvichava nesu, zvinobva kuna Mwari Baba, nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muchokwadi norudo.
4
Ndinofara zvikuru, nokuti ndakawana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba.
5
Zvino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisingaiti sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, wokuti tidane.
6
Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
7
Nokuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya panyama. Ndiye munyengeri naAndikristu.
8
Zvichenjerei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubairo wakakwana.
9
Mumwe nomumwe, anotungamirira vamwe, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haana Mwari; asi uyo, anorambira mukudzidzisa, ndiye ana Baba noMwanakomana.
10
Kana mumwe achiuya kwamuri, asingauyi nokudzidzisa uku, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, “Kwaziwai!”
11
Nokuti anoti kwaari, “Kwaziwai!” Anofambidzana naye pamabasa ake akaipa.
12
Kunyangwe ndine zvizhinji zvandaida kukunyorerai, handidi kunyora netsamba neingi; asi ndinotarira kuti ndichauya kwamuri, tigotaurirana nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
13
Vana vomunun'una wenyu vakasanangurwa vanokukwazisai.
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1