bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Peter 2
2 Peter 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Asi kwakanga kuna vaporofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapo pakati penyuwo vadzidzisi venhema, vachapinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye Tenzi akavatenga, vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza.
2
Vazhinji vachatevera utere hwavo; nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa.
3
Pakukarira kwavo mari vachakunyengerai namashoko amano–mano; kutongwa kwavo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwavo hakukotsiri.
4
Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa pavakatadza, asi akavakandira mugomba romoto akavasunga nengetani mumakomba erima ekutambudzika.
5
akasaregawo nyika yekare asi akaponesa Nowa muparidzi wokururama pamwechete navamwe vanomwe, nguva yaakauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari;
6
akashandura maguta eSodhoma neGomora akaaita madota, akaatongera kuti aparadzwe, akaaita chive chiratidzo kuna ivo vachagara vasingadi Mwari;
7
akasunungura Roti, akanga akarurama, akanga afa neshungu nokuda kwomufambiro woutere wavakashata,
8
(nokuti munhu uyu akarurama, agere pakati pavo achiona nokunzwa, wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe namabasa avo akanga asina kururama).
9
Ishe anoziva kusunungura pamiedzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave mukurohwa kusvikira pazuva rokutongwa;
10
zvikuru ivo vanofamba nomutoo wenyama pakuchiva kunosvibisa nokuzvidza ukuru; vanotsunga, vachiita nokuda kwavo, vasingatyi kutuka avo vane kubwinya.
11
Vatumwa, kunyangwe vanovapfuura nesimba noukuru, havauyi pamberi paIshe nemhosva yokuvapomera nayo.
12
Asi ava zvavanotuka zvavasingazivi, vakaita semhuka dzisina murangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe, naivo vachaparadzwa pakuora kwavo,
13
vachiitirwa zvisakarurama, uri mubairo wokusarurama kwavo; vanhu vanoti, kutamba masikati ndizvo zvinofadza, ivo makwapa namavara, vanofara nokunyengera kwavo kana vachidya nemi;
14
vana meso azere noupombwe, asingaregi kutadza; vanonyengera vanhu vasina simba; vano mwoyo wakadzidziswa kuchiva; ivo vana vokutukwa;
15
vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka, vakatevera nzira yaBharami, mwanakomana waBheori, akada mubairo wokusarurama;
16
asi akarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nezwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita.
17
Ivava matsime asina mvura, mhute rinodzingwa nemhepo; ivo vakachengeterwa kusviba kwerima.
18
Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asina maturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama noutere, avo vachangotiza vachibva kuna vanogara pakutsauka;
19
vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene vari varanda vakuora; nokuti waakundwa naye, munhu anoitwa muranda wake.
20
Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga kwavo.
21
Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurairo mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo.
22
Zvinorehwa netsumo yechokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” “Nenguruve yakanga yashambidzwa, kuumburuka mumatope.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3