bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
3 John 1
3 John 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
1
Mukuru kuna Gayo, mudikani, wandinoda nechokwadi.
2
Mudikani, ndinokunyengetera kuti ufare pazvinhu zvose, uye uve mukukutu, sokufara kwomweya wako.
3
Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichikupupurira chokwadi chako, dzichiti, unofamba muchokwadi.
4
Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.
5
Mudikanwi, unobata basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeniwo;
6
vakapupurira rudo rwako pamberi pechechi; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutoo wakafanira Mwari.
7
Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni.
8
Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi.
9
Ndakanyorera Chechi; asi Dhiotirefe, anoda kuva mukuru pakati pavo, anotiramba isu.
10
Naizvozvo, kana ndichiuya, ndichayeudza mabasa ake aanoita, kuti anotiitira makuhwa namashoko akaipa; uye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo anovadzivisa nokuvadzinga muchechi.
11
Mudikani usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, anoita zvakanaka, ndowaMwari; anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.
12
Dhemetirio anopupurirwa navanhu vose, uye nechokwadi chaicho; nesu tinopupurawo, newe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.
13
Ndakanga ndine zvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
14
asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuona, tigotaurirana nomuromo.
15
Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumwe nomumwe nezita rake.
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1