bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Ezekiel 40
Ezekiel 40
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 41 →
1
Zvino negore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namana rakatevera kurohwa kweguta, nezuva iroro, ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu.
2
Pane zvandakaratidzwa naMwari, akandisvitsa munyika yaIsiraeri, akandiisa pagomo refu–refu, pakanga pane chinhu chakanga chakafanana neguta kurutivi rwezasi.
3
Akandiisako; zvino tarira, kwakanga kuno murume, pakuonekwa kwake akanga akaita sendarira, aine tambo yerineni muruoko rwake, norutsanga rwokuyeresa narwo; akamira pasuwo.
4
Murume uyo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeve dzako, urangarire nomwoyo wako zvose zvandichakuratidza; nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridzira imba yaIsiraeri zvose zvaunoona.”
5
Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga muno rutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika mamita matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi hwechanza; ipapo akayera ukobvu hworusvingo, hukaita rutsanga rumwe, nokureba rutsanga rumwe.
6
Zvino wakasvika pasuwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akakwira nezvikwiriso zvaro, akayera chikumbaridzo chesuwo, zvikaita rutsanga rumwe, nechimwe chikumbaridzozve, zvikaita rutsanga rumwe.
7
Kamuri imwe neimwe yavarindi yakanga yakaita rutsanga rumwe pakureba, norutsanga rumwe paupamhi; pakati pamakamuri pakanga pana mamita mashanu; uye chikumbaridzo chesuwo pabiravira resuwo kurutivi rweimba chakaita rutsanga rumwe.
8
Akayerawo biravira resuwo kurutivi rweimba, zvikaita rutsanga rumwe.
9
Ipapo akayera biravira resuwo, zvikaita mamita masere, nembiru dzaro, mamita maviri; biravira resuwo rakanga riri kurutivi rweimba.
10
Makamuri esuwo rokumabvazuva aiva matatu nechemberi namatatu necheseri, ose matatu aiva nechiyero chimwe, nembiru dzaiva nechiyero chimwe nechemberi necheseri.
11
Akayera upamhi hwomukova hwesuwo, zvikaita mamita ane gumi; nokureba kwesuwo, mamita ane gumi namatatu.
12
Kwakanga kuno rumhanda pamberi pamakamuri, rwakaita mita rimwe nechemberi, norumhanda rwakaita mita rimwe necheseri.
13
Akayera suwo kubva padenga rekamuri imwe kusvikira padenga reimwe, zvikaita mamita makumi maviri namashanu pakufara; mukova mumwe wakatarisana nomumwe mukova.
14
Akaitawo mbiru, dzakasvika mamita makumi matanhatu; ruvanze rwakanga rwakapoteredza suwo kusvikira pambiru.
15
Zvino kubva pamberi pesuwo, pavanopinda napo, kusvikira pamberi pebiravira resuwo romukati, zvakaita mamita makumi mashanu.
16
Mumakamuri makanga muna mahwindo akapfigwa, nomumbiru dzawo mukati mesuwo kumativi ose, saizvozvowo pamabiravira; mahwindo akanga aripowo kumativi ose nechomukati; pambiru imwe neimwe pakanga pane miti yemichindwe.
17
Zvino akandiisa muruvanze rokunze, ndikaona makamuri neguva rakarongwa namabwe, zvakaitirwa ruvanze kumativi ose; kwakanga kuna makamuri makumi matatu paguva rakarongwa.
18
Guva rakarongwa rakanga riri kurutivi rwamasuwo, rakaenzana pakureba kwaro namasuwo, iro guva rakarongwa rapasi.
19
Zvino wakayera hupamhi kubva pamberi pesuwo rapazasi kusvikira kunze pamberi poruvanze rwomukati, zvikaita mamita ane zana, kurutivi rwamabvazuva nokurutivi rwokumusoro.
20
Wakayerawo kureba nohupamhi hwesuwo roruvanze rwokunze rakatarira kurutivi rwokumusoro.
21
Makamuri aro aiva matatu nechemberi, namitatu necheseri; mbiru dzaro namabiravira aro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuwo rokutanga; kureba kwaro kwakasvika mamita makumi mashanu nohupamhi mamita makumi maviri namashanu.
22
Mahwindo aro, namabiravira aro, nemichindwe yaro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; vanhu vaikwirako nezvikwiriso zvinomwe; mabiravira aro akanga ari pamberi paro.
23
Muruvazhe rwomukati makanga mune suwo rakatarisana nerimwe suwo, kurutivi rwokumusoro nokurutivi rwamabvazuva; akayera kubva kune rimwe suwo kusvikira kune rimwe suwo zvikaita makubhiti ane zana.
24
Zvino akaenda neni kurutivi rwezasi, ndikaona suwo kurutivi rwezasi; akayera mbiru dzaro namabiravira aro nezviyero izvozvo.
25
Mahwindo aivapo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose, akafanana namahwindo iwayo; pakureba kwazvo zvakaita mamita makumi mashanu, nokufara kwazvo mamita makumi maviri namashanu.
26
Kwakanga kune zvikwiriso zvinomwe zvokukwira nazvo kwariri; mabiravira aro akanga ari pamberi paro; uye rakanga rine michindwe pambiru dzaro, mumwe nechemberi nomumwe necheseri.
27
Kwakanga kune suwo paruvanze rwomukati kurutivi rwezasi; akayera kubva kune rimwe suwo kusvikira kune rimwe suwo kurutivi rwezasi zvikaita mamita ane zana.
28
Zvino wakandiisa kuruvanze rwomukati kusuwo rezasi; akayera suwo rezasi nezviyero izvozvi;
29
namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; kwakanga kuna mahwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakanga zvakaita makubhiti makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
30
Kwakanga kuna mabiravira kumativi ose, akaita mamita makumi maviri namashanu pakureba, namamita mashanu pahupamhi.
31
Mabiravira aro akanga akatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe pambiru dzaro; chikwiriso charo chakanga chine kwiriso zvisere.
32
Zvino wakandiisa muruvanze rwomukati kurutivi rwamabvazuva, akayera suwo nezviyero izvozvi;
33
namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; makanga muna mahwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakaita mamita makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
34
Mabiravira aro akanga akatarira kuruvazhe rwokunze; kwakanga kune michindwe pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
35
Zvino wakandiisa kusuwo rokumusoro, akariyera nezviyero izvi;
36
makamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro; makanga muna mahwindo mukati maro kumativi ose; pakureba zvakaita mamita makumi mashanu, napahupamhi mamita makumi maviri namashanu.
37
Mbiru dzaro dzakanga dzakatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe yakavezwa pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
38
Pambiru pamasuwo pakanga pane kamuri yaiva nomukova wayo; ndipo pavaisuka zvipiriso zvinopiswa.
39
Mubiravira resuwo makanga muna matafura uku maviri nechemberi, namatafura maviri necheseri, pokubayira zvipiriso zvinopiswa nezvibairo zvezvivi nezvibairo zvemhosva.
40
Kurutivi rwokunze, kana munhu achikwira kundopinda pasuwo kurutivi rwokumusoro kwakanga kuna matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwebiravira resuwo, kwakanga kuna matafura maviri.
41
Kwakanga kuna matafura mana kune rumwe rutivi, namatafura mana kurutivi rweseri, kurutivi rwesuwo, matafura masere paibayirwa zvibairo.
42
Kwakanga kuna matafura mana amabwe akavezwa, ezvipiriso zvinopiswa; pakureba akasvika mita nehafu, pahupamhi mita nehafu, pakukwirira mita nehafu; ndipo pavakaisa nhumbi dzavaibayira nadzo zvipiriso zvinopiswa nezvibairo.
43
Zvikokooni, zvakanga zvakaita soupamhi hwechanza pakureba kwazvo, zvakanga zvakasungirwa kumativi ose; pamatafura pakanga pane nyama yokuvonga.
44
Kunze kwesuwo romukati kwakanga kuna makamuri avaimbi voruvanze rwomukati, rwaiva kurutivi rwesuwo rokumusoro; iwo akatarira kurutivi rwezasi, rimwe kurutivi rwamabvazuva richitarira kurutivi rwokumusoro.
45
Zvino akati kwandiri, “Kamuri iri, rakatarira kurutivi rwezasi, nderavapristi, ivo vachengeti vebasa reimba;
46
kamuri, rakatarira kurutivi rwokumusoro, nderavapristi, vachengeti vebasa reatari; ndivo vanakomana vaZadhoki, vanobva pakati pavanakomana vaRevhi, vachiswedera kuna Jehovha kuzomushumira.”
47
Zvino akayera ruvanze, zvikaita mamita ane zana pakureba, namamita ane zana paupamhi, mativi mana akaenzana; atari yakanga iri pamberi peimba.
48
Zvino akandiisa pabiravira reimba, akayera mbiru imwe neimwe yebiravira, zvikaita makubhiti mashanu kune rumwe rutivi, namamita mashanu kurutivi rweseri; upamhi hwesuwo hwakaita mamita matatu kune rumwe rutivi mamita matatu kurutivi rweseri.
49
Kureba kwebiravira kwakanga kuchiita mamita makumi maviri, noupamhi mamita ane gumi nerimwe, ipapo pazvikwiriso zvavaikwira nazvo; pambiru dzesuwo pakanga pane dzimwe mbiru, imwe kuno rumwe rutivi, neimwe kurutivi rweseri.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48