bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Galatians 3
Galatians 3
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
1
Imi vaGaratia vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa?
2
Ichochi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?
3
Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here?
4
Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo!
5
Naizvozvo uyo anokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, anozviita izvo namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?
6
Abhurahamu sezvaakatenda kuna Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.
7
Naizvozvo zivai kuti vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu.
8
NoRugwaro, zvarwakaziva zviri mberi, kuti Mwari acharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Vhangeri kare kuna Abhurahamu, ruchiti, “Mauri marudzi ose acharopafadzwa.”
9
Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwechete naAbhurahamu, akatenda.
10
Nokuti vose vari vamabasa omurairo, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku yoMurairo, kuti vazviite.”
11
Zvino, zvinoonekwa kuti hakuna munhu anoruramiswa nomurairo pamberi paMwari, nokuti, “Akarurama achararama nokutenda.”
12
Zvino murairo haubvi pakutenda; asi uyo akaita zvinhu izvozvi achararama nazvo.
13
Kristu akatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!”
14
Kuti kuropafadzwa kwaAbhurahamu kusvike kuvahedheni muna Jesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya.
15
Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyangwe iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi.
16
Zvino, izvo zvipikirwa zvakarehwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti, “Kuvana vako,” savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti, “Kumwana wako;” uyu ndiye Kristu.
17
Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti, Sungano yakasimbiswa kare naMwari haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuura, kuti chipikirwa chikoneswe.
18
Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchipikirwa; asi Mwari akaipa Abhurahamu nokupikira.
19
Naizvozvo murairo chiiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana akapikirwa izvozvo achizouya; iwo wakarayirwa navatumwa noruoko rwomurevereri.
20
Zvino murevereri haazi womumwechete; asi Mwari ndomumwe.
21
Naizvozvo asi murairo unorwisa zvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murairo waigona kuraramisa, zvirokwazvo kururamiswa kwaibva kumurairo.
22
Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda muna Jesu Kristu chipiwe vanotenda.
23
Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa.
24
Saizvozvo murairo wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tiruramiswe nokutenda.
25
Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi.
26
Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda muna Kristu Jesu;
27
nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu.
28
Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina akasungwa kana akasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.
29
Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6