bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
James 5
James 5
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
1
Nhai, imi vapfumi, chemai muridze mhere nokuda kwamatambudziko achakuwirai.
2
Pfuma yenyu yakaora, nguo dzenyu dzapera nezviundudzi.
3
Ndarama yenyu nesirivha yenyu zvine ngura; ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa, ichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera pfuma pamazuva okupedzisira.
4
Tarirai, mubairo wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo.
5
Makagara zvinonaka panyika muchikarira zvinofadza; makakodza mwoyo yenyu nezuva rokubaya.
6
Makatongera wakarurama, mukamuuraya; haakudzivisiyi.
7
Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarirai, murimi anomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamusoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma.
8
Nemiwo tsungirirai; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwava pedyo.
9
Hama dzangu, musanyunyutirana kuti murege kutongwa; tarirai, mutongi amire pamusuwo.
10
Hama dzangu mukutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita raIshe.
11
Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, akaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe ano mwoyo munyoro kwazvo, ane tsitsi.
12
Asi, hama dzangu, kupfuura zvinhu zvose, musapika, kunyangwe nedenga, kana nenyika, kana nokupika kumwe kwose; asi hongu yenyu ngaive hongu, kwete yenyu ngaive kwete; kuti murege kutongwa.
13
Kuno mumwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Kuno mumwe anofara here? Ngaaimbe nziyo.
14
Kuno mumwe anorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vechechi; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita raIshe.
15
Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa anorwara, Ishe achamumutsa; kana akaita zvivi achazviregererwa.
16
Naizvozvo reururanai zvivi zvenyu, munyengetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu akarurama kune simba guru pakubata kwako.
17
Eriya akanga ari munhu akaita sesu, akanyengetera nomunyengetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu.
18
Akanyengeterazve; denga rikanaisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo.
19
Hama dzangu, kana kuno munhu pakati penyu akatsauka pazvokwadi, mumwe akamudzora,
20
ngaazive kuti anodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, uchaponesa mweya parufu nokufukidza zvivi zvizhinji.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
All chapters:
1
2
3
4
5