bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Jeremiah 34
Jeremiah 34
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 35 →
1
Shoko, rakasvika kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhineza mambo weBhabhironi, nehondo yake yose, noushe hwose hwenyika hwakanga hwakabatwa naye, namarudzi ose, vachirwa neJerusaremu namaguta ose aro, richiti,
2
“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Enda, undotaura naZedhekiya mambo waJudha,’ uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tarira, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto;
3
newe haungapukunyuki paruoko rwake, asi zvirokwazvo uchabatwa, nokuiswa muruoko rwake; meso ako achaona meso amambo weBhabhironi, muchataurirana nemiromo yenyu, iwe uchaenda Bhabhironi.’
4
Asi chinzwa shoko raJehovha, iwe Zedhekiya mambo waJudha, zvanzi naJehovha pamusoro pako, iwe haungaurawi nomunondo;
5
iwe uchafa norugare; sezvavakapisira madzimababa ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachakupisirawo; vachakuchema vachiti, ‘Haiwa ishe!’ Nokuti ndini ndakataura shoko iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
6
Ipapo muporofita Jeremiya akataura mashoko aya ose kuna Zedhekiya mambo waJudha paJerusaremu,
7
nenguva yakarwa hondo yamambo weBhabhironi neJerusaremu uye namaguta ose aJudha akanga asara, neRakishi neAzeka, nokuti ndiyo yakanga yasara pamaguta aJudha, ari maguta akakombwa norusvingo.
8
Shoko, rakasvika kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, mambo Zedhekiya aita sungano navanhu vose vakanga vari Jerusaremu, achivaparidzira kuti vakasunungurwa,
9
kuti mumwe nomumwe unofanira kutendera muranda wake, nomumwe nomumwe mushandiri wake, waiva muHebheru, murume kana mukadzi, kuti aende hake; kuti kurege kuva nomuJudha unoita hama yake muranda.
10
Machinda ose navanhu vose vakateerera, ivo vakanga vatenda sungano, kuti mumwe nomumwe atendere muranda wake nomumwe nomumwe mushandiri wake kuti vaende havo, kuti kurege kuzova nomunhu unovaita varanda; vakateerera, vakavatendera kuenda.
11
Asi pashure vakashanduka, vakadzosa varanda navashandiri, vavakanga vambotendera kuenda, vakavamanikidzazve kuti vave varanda navashandiri.
12
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha richiti,
13
“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Ndakaita sungano namadzibaba enyu, panguva yandakavabudisa munyika yeIjipiti, muimba youranda,’ ndichiti,
14
‘Kana makore manomwe apera, munofanira mumwe nomumwe kutendera hama yake muHebheru kuti aende hake, iye wakanga akatengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, unofanira kumutendera kuti aende hake, abve kwauri; asi madzibaba enyu haana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo.’
15
Zvino imi makanga madzoka henyu, mukaita zvakarurama pamberi pangu, zvamakaparidzira mumwe nomumwe hama yake kuti ungasunungurwa; makanga maita sungano pamberi pangu muimba panodanwa zita rangu.
16
“Asi makadzoka, mukamhura zita rangu, mukadzosa mumwe nomumwe muranda wake nomumwe nomumwe mushandiri wake, vamakanga matendera kuti vaende havo nokuda kwavo, mukavamanikidzazve kuti vave varanda navashandiri venyu.
17
Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Hamuna kunditeerera, mukaparidzira mumwe nomumwe hama yake nomumwe nomumwe wokwake kuti ungasunungurwa hake; tarirai, ini ndinokuparidzirai kuti muchasunungurirwa munondo, nechirwere chakaipa, nenzara, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakuitai chinhu chinotyisa ushe hwose hwenyika.’
18
Varume vakadarika sungano yangu, vakasaita mashoko esungano yavakaita neni, ndichavaita semhuru yavakagura napakati vakapfuura napakati penhindi dzayo;
19
machinda aJudha, namachinda eJerusaremu, navaranda vavo, navapristi, navanhu vose venyika, vakapfuura napakati penhindi dzemhuru,
20
ivo ndichavaisa mumaoko avavengi vavo, nomumaoko avanotsvaka kuvauraya, zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvezvikara zvenyika.
21
Naiye Zedhekiya mambo waJudha namachinda ake ndichavaisa mumaoko avavengi vavo nomumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, vakaenda vachibva kwamuri.
22
Tarirai, ndichavaraira nokuvadzosera kuguta rino, ndizvo zvinotaura Jehovha; vacharwa naro, nokurikunda, nokuripisa nomoto; ndichaita maguta aJudha matongo, asina vanogaramo.”
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 35 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52