bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Mark 15
Mark 15
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Pakarepo mangwanani vapristi vakuru vakarangana navakuru navanyori namakurukota ose, vakasunga Jesu, vakaenda naye, vakamuisa kuna Pirato.
2
Pirato akamubvunza, akati, “Ndiwe Mambo wavaJudha here?” Akapindura, akati kwaari, “Ndizvo zvamataura.”
3
Vapristi vakuru vakaramba vachimupomera zvizhinji.
4
Pirato akamubvunzazve akati, “Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera zvizhinji seiko!”
5
Asi Jesu haana kuzopindura chinhu, Pirato akashamiswa nazvo.
6
Zvino pamutambo waisivasunungurira musungwa mumwe, wavanenge vaikumbira.
7
Zvino kwakanga kuno mumwe wainzi Bharabhasi, akanga asungwa pamwechete navamwe vakanga vamutsa bope, vakauraya vanhu pabope iroro.
8
Vanhu vazhinji vakakwira, vakatanga kukumbira kuna Pirato kuti avaitire saizvozvo.
9
Pirato akavapindura, akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha here.”
10
Nokuti akanga achiziva kuti vapristi vakuru vakanga vamuisa kwaari negodo.
11
Zvino vapristi vakuru vakakurudzira vanhu vazhinji, kuti vati zviri nani avasunungurire Bharabhasi.
12
Pirato akapindurazve, akati kwavari, “Ndichagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo wavaJudha?”
13
Vakadanidzirazve, vachiti, “Murovere pamuchinjikwa!”
14
Pirato akati kwavari, “Akagotadzeiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa!”
15
Zvino Pirato, nokuti akanga achida kufadza vanhu vazhinji, akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa.
16
Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo mumba yomubati, vakaunganidza hondo yose;
17
vakamupfekedza nguo tsvuku, vakaruka korona yeminzwa, vakamudzika iyo.
18
Vakatanga kumukwazisa, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!”
19
Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira mate, vakapfugama namabvi, vakamunamata.
20
Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, ndokumupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kunomurovera pamuchinjikwa.
21
Zvino vakamanikidza mumwe, akanga achipfuura achibva kuruwa, ainzi Simoni weKurini, baba vaArekizanda naRufosi, kuti atakure muchinjikwa wake.
22
Vakamuisa kunzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yeDehenya,” kana zvichishandurwa.
23
Vakamupa waini, yakavhenganiswa nemura, asi iye akazviramba.
24
Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe apiwe chake.
25
Yakanga iri nguva yechitatu, vakamurovera pamuchinjikwa.
26
Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamusoro pake, ruchiti, “MAMBO WAVAJUDHA.”
27
Vakarovera pamuchinjikwa pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe. [
28
Rugwaro rukaitika, runoti, “Akarovererwa navadariki vomurairo.”]
29
Navaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti, “Iwe, wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu,
30
chizviponesa iwe, uburuke pamuchinjikwa!”
31
Saizvozvo vapristi vakuru navanyori vakamuseka pakati pavo, vachiti, “Akaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa.
32
Kristu, Mambo waVaIsiraeri, ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tione titende.” Navakanga varoverwa pamwechete naye vakamuzvidza.
33
Zvino yakati yava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.
34
Nenguva yepfumbamwe Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eroi, Eroi, rama Sabhakitani!” Ndokuti kana zvichishandurwa, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
35
Vamwe vakanga vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati, “Chinzwai, anodana Eriya.”
36
Ipapo mumwe akamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, achiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti, “Regai timboona kana Eriya achizouya kumuburusa.”
37
Ipapo Jesu akadana nezwi guru, ndokubva afa.
38
Keteni retemberi rikabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi.
39
Zvino mukuru wezana akanga amirepo, akatarisana naye, akati achiona mutowo wokufa kwake, akati, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”
40
Navakadzi vakanga varipo, vakatarira vari kure; pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharina, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome;
41
ndivo vaimutevera achiri muGareriya vachimushandira, navamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira Jerusaremu naye.
42
Zvino hwava usiku, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndokuti rinotangira Sabata,
43
Josefa weArimatia, mumwe wamakurukota, munhu akakudzwa iye amene akanga achigarirawo ushe hwaMwari akauya akapinda nokutsunga kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu.
44
Pirato akashamiswa achinzwa kuti akanga atofa; akadana mukuru wezana, akamubvunza kana anguva afa.
45
Zvino akati achinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa chitunha.
46
Iye akatenga mucheka, akamuburusa, akamuputira nomucheka, ndokumuviga muhwiro hwakanga hwakacherwa pabwe, ndokukungurusira ibwe pamuromo wohwiro.
47
Maria Magadharina, naMaria mai vaJose, vakaona paakavigwa.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16