bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Nehemiah 2
Nehemiah 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
1
Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Atakizesesi, panguva yaakanga ane waini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake.
2
Ipapo mambo akati kwandiri, “Chiso chako chinopunyairireiko, zvausingarwari? Ichi chinhu ishungu dzomwoyo chaidzo.” Ndikatya kwazvo.
3
Ndikati kuna mambo, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Chiso changu chingaregereiko kupunyaira, kana guta iro rina marinda amadzibaba angu, rava dongo, namasuwo aro atsva nomoto?”
4
Ipapo mambo akati kwandiri, “Unokumbireiko?” Zvino ndikanyengetera kuna Mwari wokudenga,
5
ndikati kuna mambo, “Kana mambo achifara nazvo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditumire kwaJudha, kuguta ramarinda amadzibaba angu, ndinorivaka.”
6
Mambo akati kwandiri, (navahosiwo vakanga vagere naye), “Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? Uchadzoka rini?” Zvino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira nguva.
7
Uye ndakatiwo kuna mambo, “Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe tsamba dzakanyorerwa vabati vari mhiri kwerwizi, vanditendere kupfuura ndisvike kwaJudha;
8
neimwe tsambawo kuna Asafi mutariri wedondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuwo enhare yapaimba yaMwari nookuisa parusvingo rweguta napaimba yandichapinda.” Mambo akandipa izvozvo, nokuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu.
9
Zvino ndikasvika kuvabati mhiri kwerwizi, ndikavapa tsamba dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni.
10
Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, vakati vanzwa kuti kwakanga kwasvika munhu kuzotsvaka kuitira vana VaIsiraeri zvakanaka, zvikavaodza mwoyo kwazvo.
11
Naizvozvo ndakasvika Jerusaremu ndikagarapo mazuva matatu.
12
Ndikamuka usiku, ini navamwe vanhu vashoma; asi handina kuudza munhu zvakanga zvaiswa mumwoyo mangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu; uye ndakanga ndisine chimwe chipfuwo neni, asi chipfuwo chandakanga ndichitasva.
13
Ndikabuda usiku napasuwo roMupata, ndikaenda nokutsime reShato, nesuwo raMarara, ndikacherechedza masvingo eJerusaremu akanga akoromoka, namasuwo aro akanga atsva nomoto.
14
Ipapo ndikapfuurira kusvika pasuwo reTsime, nokudziva ramambo; asi pakanga pasine nzvimbo pangapfuura napo chipfuwo chandakanga ndakatasva.
15
Ipapo ndakakwira usiku naparukova, ndikacherechedza rusvingo; ndikadzoka, ndikapinda napasuwo roMupata, ndikadzoka saizvozvo.
16
Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda, kana zvandakanga ndandoita; nokuti ndakanga ndisina kuudza vaJudha, kana vapristi, kana vakuru, kana vabati, kana vamwe vabati vebasa.
17
Zvino ndakati kwavari, “Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuwo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa.”
18
Ndikavaudza zvokunaka kworuoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati, “Ngatisimuke, tivake.” Naizvozvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka.
19
Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, naGeshemu, muArabhia, vakati vachinzwa, vakatiseka, nokutininipisa, vakati, “Chiiko ichi chamunoita? Munoda kumukira mambo kanhi?”
20
Ipapo ndakavapindura, ndikati kwavari, “Mwari wokudenga achatifambisa zvakanaka; saka isu varanda vake tichasimuka, nokuvaka; asi imi hamuno mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusaremu.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13