bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Numbers 17
Numbers 17
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 18 →
1
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,
2
“Taura navana VaIsiraeri, utore kwavari tsvimbo, imwe paimba imwe neimwe yamadzibaba avo, tsvimbo dzine gumi nembiri, pamachinda avo ose nedzimba dzamadzibaba avo; zvino unofanira kunyora zita romumwe nomumwe patsvimbo yake.
3
Asi zita raAroni unofanira kurinyora patsvimbo yaRevhi; nokuti kunofanira kuva netsvimbo imwe yomukuru mumwe nomumwe wedzimba dzamadzibaba avo.
4
Zvino unofanira kudzichengeta mutende rokusangana pamberi peareka yechipupuriro, pandinosangana nemi.
5
Ipapo munhu andichatsaura, tsvimbo yake ichabuka, kuti ndigumise kunyunyuta kwavana VaIsiraeri kwavanokunyunyutira nako.”
6
Zvino Mosesi akataura navana VaIsiraeri, machinda avo ose akamupa tsvimbo, imwe yomuchinda mumwe nomumwe nedzimba dzamadzibaba avo, ndidzo tsvimbo gumi nembiri; netsvimbo yaAroni yakanga iri pakati petsvimbo dzavo.
7
Mosesi akachengeta tsvimbo idzo pamberi paJehovha mutende rechipupuriro.
8
Fume mangwana Mosesi akapinda mutende rechipupuriro, onei tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakanga yabuka, yava namabukira, yabudisa maruva, yabereka maamanda akanga aibva.
9
Ipapo Mosesi akabudisa tsvimbo dzose pamberi paJehovha kuvanhu VaIsiraeri vose; vakatarira, mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake.
10
Jehovha akati kuna Mosesi, “Dzosera tsvimbo yaAroni pamberi pechipupuriro, ichengetwe chive chiratidzo chavanhu vakandimukira; kuti ugumise kundinyunyutira kwavo, varege kufa.”
11
Mosesi akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvaakaita.
12
Vana VaIsiraeri vakataura naMosesi, vakati, “Tarira, tofa, topera, topera tose.
13
Mumwe nomumwe anoswedera, anoswedera kutabhenakeri yaJehovha, anofa; zvino tichafa tose kanhi?”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36