bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Song of Solomon 6
Song of Solomon 6
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 7 →
1
Mudiwa wako akaendepiko, Iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Mudiwa wako wakaringirepiko, Kuti timutsvake pamwechete newe?
2
Mudiwa wangu wakadzira kumunda wake, Kundima dzemiti inonhuwira, Kufudza makwai ake muminda, nokutanha maruva.
3
Ini ndiri womudiwa wangu; mudiwa wangu ndowangu; Anofudza makwai ake pakati pamaruva.
4
Wakanaka, mudiwa wangu saTiriza, Wakanaka seJerusaremu, Unotyisa sehondo ine mireza.
5
Usanditarira nameso ako, Nokuti andikunda. Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriadhi.
6
Mazino ako akafanana neboka rehunzvi dzamakwai, Dzinobva pakushambwa; Rimwe nerimwe radzo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana.
7
Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
8
Vahosi vana makumi matanhatu navarongo vana makumi masere variko, Nemhandara dzisingaperi.
9
Njiva yangu, akakwana wangu, ndiye mumwe oga; Ndiye mwana mumwe woga wamai vake; Ndiye musanangurwa wowakamubereka; Vakunda vakamuona, vakati akaropafadzwa; Navahosi navarongo, vakamurumbidza.
10
Ndianiko uyo anotarira samambakwedza, Akanaka somwedzi, Akachena sezuva, Anotyisa sehondo ine mireza?
11
Ndakaburukira kumunda wenzungu, Kuti ndione miti mitema mumupata, Kuti ndione kana mudzambiringa wotunga, kana matamba otunga maruva.
12
Ndisati ndazviziva, mweya wangu wakandiisa Pakati pengoro dzavanhu vangu vakarurama.
13
Dzoka, dzoka, Shuramiti; Dzoka, dzoka, kuti tikutarire. Munoda kutarira muShuramiti neiko, Sezvamunotarira kutamba kweMahanaimi?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8