bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Peter 1
2 Peter 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Simiyoni Petro, muranda nomuapositora waJesu Kristu, kunavakagoverwa kutenda kumwe nokwedu, kunokosha, nokururama kwaMwari wedu noMuponesi Jesu Kristu;
2
nyasha ngadzive nemwi norugare ngaruwanzwe pakuziva Mwari naJesu, Ishe wedu;
3
nokuti nesimba rovuMwari bwake takapiwa zvose zvinodikamwa pavupenyu napakunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye wakatidana nokubwinya kwake nokunaka;
4
akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa vuMwari, matiza kuvora kuri panyika nokuchiva.
5
Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva;
6
napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari;
7
napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo.
8
Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasinovusimbe navasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.
9
Nokuti munhu, usina izvozvi ibofu, unovona zviri pedo bedzi, wakangamwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare.
10
Saka, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti musimbise kudamwa nokusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita izvozvi hamungatongogumburwi;
11
nokuti muchazviita muchazarurirwa zvakanaka kuti mupinde muvushe bwusingaperi bwaShe wedu, noMuponesi Jesu Kristu.
12
Saka handingaregi kukuyevudzai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchizviziva henyu, uye makasimba pachokwadi yamunayo.
13
Ndinoti zvakanaka, kuti ndichiri mutabhernakeri ino ndikumutsei nokukuyevudzai;
14
ndichiziva kuti kubviswa kwetabhernakeri yangu kwava pedo, sezvandakaratidzwa naShe wedu Jesu Kristu.
15
Zvino ndichashingaira, kuti mugogona kurangarira zvinhu izvi nguva dzose kana ndaenda.
16
Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakavona vumambo bwake.
17
Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakavuya inzwi rakadai kwaari.richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikamwa, unondifadza kwazvo.
18
Inzwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene.
19
uye tineshoko rovuporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera munerima, kusvikira vutonga bwuchitsuka, nenyamasase ichibudira moyo yenyu;
20
muchiziva pakutanga, kuti hakunovuporofita bworugwaro bwunongodudzirwa nomunhu;
21
nokuti hakunovuporofita bwakatongovuya nokuda komunhu, asi vanhu vatswene vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3