bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
3 John 1
3 John 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
1
Mukuru kunaGayo, mudikamwa, wandinoda nechokwadi.
2
Mudikamwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako uchibudirira.
3
Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichipupurira chokwadi chako, dzichiti, unofamba muchokwadi.
4
Handinomufaro unopfuvura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.
5
Mudikamwa, unobate-basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeni vo;
6
vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutovo wakafanira Mwari.
7
Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni.
8
Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi.
9
Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.
10
Naizvozvo kana ndichivuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.
11
Mudikamwa, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, ndowaMwari; unoita zvakaipa, haana kuvona Mwari.
12
Dhemetirio unopupurirwa navanhu vose, uye nechokwadi chomene; nesu tinopupura vo, iwe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.
13
Ndakanga ndinezvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
14
asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuvona, tigotaurirana nomuromo. Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumwe nomumwe nezita rake,
Jump to:
Chapter 1
All chapters:
1