bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Haggai 2
Haggai 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
1
Nomwedzi wechinomwe, nezuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
2
"Zvino chitaura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, navanhu vose vakasara, uti,
3
‘Ndiani wakasara pakati penyu, wakadeya kuona imba ino pakubwinya kwayo kokutanga?' Zvino munoiona yakadiniko? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here?
4
Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri ndizvo zvinotaura Jehovha; newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, iva nesimba; nemwi vanhu vose venyika, ivai nesimba, mubate ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemwi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
5
Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda Ijipiti, mweya wangu uchigere pakati penyu; regai kutya.
6
"Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, `Kamwe chete, kwasara chinguva chiduku, ndichazunungusa denga rose, nenyika negungwa, nenyika yakaoma;
7
ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikamwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya,' ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
8
Sirivha ndeyangu, nendarama ndeyangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
9
"Kubwinya kokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kokutanga ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo."
10
Nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
11
Zvanzi naJehovha wehondo, `Chibvunza vaprista pamusoro pomuriro,' uti,
12
‘Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, akagunzva nomupendero chingwa, kana zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana zvokudya zvipi nezvipi, ko zvava zvitsvene here?' " Vaprista vakapindura, vakati, "Kwete."
13
Ipapo Hagai akati, "Kana munhu, wakasvibiswa nemhaka yokubata chitunha, akagunzva chinhu chimwe chaizvozvi, ko chasvibiswa here?" Vaprista vakapindura, vakati, "Chasvibiswa. "
14
Ipapo Hagai akapindura, akati, "Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndizvo zvakaita zvose zvavanoita namaoko avo, uye zvavanobayirapo zvakasvibiswa.
15
Zvino fungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro pebwe muTemberi yaJehovha.
16
Nenguva iyo yose kana munhu achinge asvika pamurwi wezviyo zvezviyero zvina makumi maviri, zvaingovapo zvine gumi; kana munhu akasvika pachisviniro chewaini achiti ndinochera hari dzina makumi mashanu, dzaingovapo dzina makumi maviri.
17
Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha nechimvuramabwe pamabasa ose amaoko enyu; asi hamuna kutendeukira kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
18
Chifungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, kubva pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, kubva pazuva rakateyiwa nheyo dzeTemberi yaJehovha, fungai izvozvo.
19
Ko mbeu ichimo mudura here? Zvirokwazvo, muzambiringa nomuonde nomutamba nomuorivhi hazvina kubereka; kubva pazuva rino ndichakuropafadzai."
20
Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Hagai nezuva ramakumi maviri namana romwedzi, richiti,
21
"Taura naZerubhabheri, mubati waJudha, uti, `Ndichazunungusa denga rose nenyika;
22
ndichawisira pasi zvigaro zvoushe; ndichaparadza simba roushe bwendudzi; ndichawisira pasi ngoro navanofamba nadzo; mabhiza navanotasva achawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.'
23
Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakutora iwe, Zerubhabheri, muranda wangu, mwanakomana waShearitieri ndizvo zvinotaura Jehovha ndichakuita sechisimbiso; nokuti ndakakusanangura ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo."
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
All chapters:
1
2