bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Joel 1
Joel 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Shoko raJehovha, rakasvika kuna Joweri mwanakomana waPetuweri.
2
"Inzwai chinhu ichi, imwi vatana, murereke nzeve dzenyu, imwi mose mugere munyika ino. Ko zvakadai zvakamboitwa pamazuva enyu, kana pamazuva amadzibaba enyu here?
3
Udzai vana venyu izvozvo, vana venyu vaudzewo vana vavo, navana vavo vaudze rumwe rudzi runotevera.
4
Zvakasiyiwa nomuteteni, zvakadyiwa nemhashu; zvakasiyiwa nemhashu, zvakadyiwa negwatakwata; zvakasiyiwa negwatakwata, zvakadyiwa nomupedzachose.
5
Mukai, imwi vakabatwa nedoro, mucheme; ungudzai, imwi mose munomwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu.
6
Nokuti rumwe rudzi rwasvika panyika yangu, rwakasimba, rusingaverengwi; meno arwo meno eshumba, runa meno makuru eshumbakadzi.
7
Rwakaparadza muzambiringa wangu, nokuvhuna muonde wangu; rwakausvuura kwazvo, nokuuwisira pasi; matavi awo acheneswa.
8
Chemai semhandara yakazvisunga chiuno namasaga nokuda komurume woumhandara hwayo.
9
Chipiriso choupfu nechipiriso chinomwiwa zvabviswa paimba yaJehovha; vaprista, ivo vashumiri vaJehovha, vanochema.
10
Munda waparadzwa, nyika inochema; nokuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapwa, mafuta apera.
11
Nyarai imwi varimi, ungudzai imwi varimi vemizambiringa, nokuda kwezviyo nebhari; nokuti zvakaberekwa neminda zvaparadzwa.
12
Muzambiringa wasvava, muonde unoshaiwa simba, mutamba nomuchindwewo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yaoma; mufaro wavanakomana vavanhu wapera.
13
Zvisungei zviuno namasaga, mucheme imwi vaprista; ungudzai imwi vashumiri veatari; uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imwi vashumiri vaMwari wangu; nokuti chipiriso choupfu nechipiriso chinomwiwa zvadziviswa paimba yaMwari wenyu.
14
Tsaurai zuva rokutsanya, danai vanhu kuungano yakatarwa, kokerai vakuru navose vagere panyika kuimba yaJehovha Mwari wenyu, mudane kuna Jehovha.
15
Aiwa, zuva iro here! Nokuti zuva raJehovha rava pedo, richasvika richiparadza richibva kuna waMasimbaose.
16
Ko zvokudya hazvina kubviswa pamberi pedu, nomufaro nokufarisisa paimba yaMwari wedu here!
17
Mbeu dzinoorera pasi pamavhinga adzo; matura aparadzwa, tsapi dzaputswa; nokuti zviyo zvafa.
18
Zvipfuwo zvinogomera sei! Mapoka emombe akanganiswa, nokuti hazvichina mafuro; zvirokwazvo, mapoka amakwai aparadzwa.
19
Aiwa, Jehovha, ndinodana kwamuri, nokuti moto wapedza mafuro erenje, murazvo wapisa miti yose yokusango.
20
Zvirokwazvo, mhuka dzokusango dzinochemera kwamuri, nokuti hova dzemvura dzapwa, uye moto wapedza mafuro erenje.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3