bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Jonah 1
Jonah 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
1
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti,
2
" Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira, nokuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu."
3
Asi Jona akasimuka achida kutizira Tashishi abve pamberi paJehovha; akaburukira Jopa, akawana chikepe chakanga choenda Tashishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tashishi abve pamberi paJehovha.
4
Asi Jehovha akatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika.
5
Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachireruse. Asi Jona akanga aburukira mukatikati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo.
6
Ipapo mwene wechikepe akauya kwaari, akati kwaari, "Nhai, iwe muvati, wakaita seiko? Simuka, dana kuna Mwari wako, zvimwe Mwari angatirangarira, tikasaparara."
7
Zvino mumwe nomumwe wakati kushamwari yake, "Uyai tikande mijenya, tizive kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani." Ipapo vakakanda mijenya, mujenya ukabata Jona.
8
Zvino vakati kwaari, "Chitiudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani; basa rako ndereiko? Wabvepiko? Nyika yako ndeipi? Uri worudzi rupi?"
9
Iye akati kwavari, "Ndiri muHebheru, ndinotya Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika yakaoma."
10
Ipapo varume vakatya kwazvo-kwazvo, vakati kwaari, "Chinyiko ichi chawaita?" Nokuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nokuti akavaudza.
11
Zvino vakati kwaari, "Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire?" Nokuti gungwa rakaramba richinyanya kupenga.
12
Iye akati kwavari, "Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu."
13
Kunyange zvakadaro varume vakakwasva nesimba vachiidza kudzokera kunyika; asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakaramba richinyanya kuvapengera.
14
Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, "Tinokunyengeterai, imwi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda koupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imwi Jehovha makaita sezvamakada henyu."
15
Ipapo vakasimudza Jona, vakamukandira mugungwa, gungwa rikanyarara pakupenga kwaro.
16
Ipapo varume vakatya Jehovha kwazvo-kwazvo, vakabayira Jehovha chibayiro, nokumupikira mhiko.
17
Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu novusiku vutatu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4