bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Micah 6
Micah 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 7 →
1
"Chinzwai zvino zvinorehwa naJehovha. Simuka, ita nharo pamberi pamakomo, zvikomo ngazvinzwe izwi rako.
2
Chinzwai, imwi makomo, rukave rwaJehovha, nemwi nheyo dzenyika dzinogara dziripo; nokuti Jehovha anorukave navanhu vake, achaita nharo naIsiraeri.
3
Nhai, imwi vanhu vangu, ndakakuiteiko? Ndakakunetsai neiko? Ndipindurei.
4
Nokuti ndakakubudisai panyika ndikakudzikunurai paimba youranda, ndikatuma pamberi penyu Mozisi naAroni naMiriami.
5
Aiwa, vanhu vangu, rangarirai zvino zvakarangamwa naBharaki mambo waMoabhi, uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori; rangarirai zvakaitwa kubva paShitimi kusvikira Girigari, kuti muzive zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha.
6
"Ndichauya nei pamberi paJehovha, ndichikotamira pamberi paMwari wokumusoro? Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa, nemhuru dzakaita gore rimwe hete?
7
Ko Jehovha ungafadzwa namakondobwe ane chiuru chezana, kana nenzizi dzamafuta dzine zviuru zvine gumi here? Ndingamuvigira dangwe rangu pamusoro pokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pezvivi zvomweya wangu here?
8
"Iye wakakuzivisa, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi; chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?
9
"Izwi raJehovha rinodana kuguta, akachenjera achatya zita renyu; teererai shamhu, nowakairaira.
10
Ko fuma yezvakashata ichipo muimba yowakashata here, uye chiyero chakatapudzwa chinonyangadza here?
11
"Ko ndingava wakachena kana ndine zviyero zvakashata, nehomo yezviyereso zvinonyengera here?
12
Nokuti vafumi veguta vazere nokuita nehasha, vageremo vakareva nhema, rurimi rwavo mumuromo wavo runonyengera.
13
Saka neniwo ndakakurovai vanga rakaipa kwazvo; ndakakuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.
14
Muchadya, asi hamungaguti, kushoorwa kwenyu kuchava pakati penyu; muchabvisa nhumbi dzenyu, asi hamungadzichengeti, idzo dzamunochengeta, ndichadziparadzisa nomunondo.
15
Muchakusha, asi hamungacheki, muchasvina maorivhi, asi hamungazori mafuta, muchasvina mazambiringa, asi hamungamwi waini.
16
Nokuti zvakatemwa naOmiri zvinochengetwa, namabasa ose eimba yaAhabhi, imwi munofamba nokurangarira kwavo, kuti ndikuitei dongo imi, navageremo chinhu chinoridzirwa muridzo; imwi muchava nemhosva yokushoorwa kwavanhu vangu.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7