bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Titus 3
Titus 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Uvayevudzire kuti vazviise pasi pavabati navanesimba, kuti vateerere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka,
2
varege kurevera mumwe zvakaipa, varege kuva negakava, vave vanyoro, vaitire vanhu vose vunyoro bwose.
3
Nokuti nesuvo kare taiva vokusafunga, tisingateereri, takarashika, tiri varanda vokuchiva kuzhinji navezvose zvinofadza, tigere mukati mokushata negodo, tichivengwa, tichivengana.
4
Asi vunyoro bwaMwari, Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvavonekwa,
5
wakatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kokuberekwa kutsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,
6
waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu,
7
kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro yovupenyu bwusingaperi.
8
Ishoko rechokwadi, uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu;
9
asi unzvenge mibvunzo yovupenzi, namazita amadziteteguru, negakava, nokukakavara pamusoro pomurairo, nokuti hazvina maturo, hazvinebasa.
10
Munhu unodzidzisa zvakatsauka, kana arairwa kamwe norwechipiri, umurambe,
11
zvaunoziva kuti wakadaro wakatsauka, unotadza, wazvipa mhosva amene.
12
Kana ndichituma Artema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuvuya kwandiri Nikopori; nokuti ndakati ndichagara chando ikoko.
13
Zenasi, nyanzvi yomutemo, naAporo, uvaise zvakanaka parwendo, varege kushaiwa chinhu.
14
Vanhu vedu ngavadzidzevo kuramba vachiita mabasa akanaka, kuti vabatsire panoshaikwa zvinofanira kuvapo, kuti varege kuva vanhu vasinezvibereko.
15
vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ndikwazisire avo vanotida pakutenda. Nyasha ngadzive nemwi mose.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3