bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 John 1
1 John 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
Iɀo ɀakaŋga ɀiri’po kubva pakutaŋga, ɀatakanzwa, ɀatakaʋona nameso eɗu, ɀatakatarira, neɀatakaɓata namaʋoko eɗu, ɀeShoko roʋupenyu —
2
(ʋupenyu bgakaratidzwa, tikabguʋona, tinopupura nokukuparidzirai ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgakaŋga bguri kunaƂaɓa, bgukaratidzwa kwatiri):
3
Iɀo ɀatakaʋona, neɀatakanzwa, ndiɀo ɀatinokuparidzirai ʋo, kuti nemi ʋo muyanane nesu; kuyanana kweɗu tinako naƂaɓa, noMŋanakomana wake Jesu Kristu.
4
Ɀinhu iɀi tinokunyorerai, kuti mufaro weɗu uzadziswe.
5
Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai ʋo, kuti Mŋari ciedza, hamunerima maari.
6
Kana ticiti, tinoyanana naye, ticifamba murima, tinoreʋa nhema, hatiiti ɀokwaɗi;
7
asi kana ticifamba muciedza, saiye ari paciedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mŋanakomana wake, rinotinatsa paɀiʋi ɀose.
8
Kana ticiti, hatineɀiʋi, tinoɀinyeŋgera, ɀokwaɗi haizi matiri.
9
Kana ticiɀireʋurura ɀiʋi ɀeɗu, iye wakatendeka wakarurama, nokuɗaro kuti unotikaŋganwira ɀiʋi ɀeɗu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.
10
Kana ticiti, hatina‐kutadza, tinomuita mureʋi wenhema, neshoko rake harizi matiri.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5