bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 John 5
1 John 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
1
Mumŋe nomumŋe, unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye wakaɓerekwa naMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa iye wakaɓereka, unoɗa ʋo wakaɓerekwa naye.
2
Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti tinoɗa ʋana ʋaMŋari, kana ticiɗa Mŋari, ticiita mirairo yake.
3
Nokuti ruɗo rwaMŋari ndirwo, kuti ticeŋgete mirairo yake; mirairo yake hairemi.
4
Nokuti cinhu cipi necipi, cinoɓerekwa naMŋari cinokunda nyika; kukunda kwakakunda nyika, ndiko kutenda kweɗu.
5
Ndianiko unokunda nyika? Haazi iye unotenda kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari here?
6
Ndiye wakaʋuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana‐kuʋuya nemvura ɓedzi, asi nemvura neropa.
7
Ndiye Mŋeya unopupura, nokuti Mŋeya ndiye ɀokwaɗi.
8
Nokuti kuneɀitatu ɀinopupura, ɀinoti: Mŋeya, nemvura neropa; ɀitatu iɀi ɀinopupura cinha cimŋe
9
Kana ticigamucira kupupura kwaʋanhu, kupupura kwaMŋari kukuru; nokuti kupupura kwaMŋari ndiko, kuti wakapupura pamsoro poMŋanakomana wake.
10
Uyo, unotenda kuMŋanakomana waMŋari, kupupura unako mukati make; usiŋgatendi Mŋari, wakamuita mureʋi wenhema; nokuti haana‐kutenda kupupura kwakapupurirwa naMŋari pamsoro poMŋanakomana wake.
11
Kupupura ndiko, kuti Mŋari wakatipa ʋupenyu bgusiŋgaperi; ɀino ʋupenyu ubgu bguri muMŋanakomana wake.
12
UnoMŋanakomana, unoʋupenyu; usinoMŋanakomana waMŋari, haanoʋupenyu.
13
Ndakakunyorerai ɀinhu iɀi kuti mugoziʋa kuti munoʋupenyu bgusiŋgaperi, iyemi munotenda kuzita roMŋanakomana waMŋari.
14
Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana ticikumbira cinhu nokuɗa kwake, unotinzwa;
15
ɀino kana ticiziʋa kuti unotinzwa paɀose ɀatinokumbira, tinoziʋa kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari.
16
Kana munhu aciʋona hama yake iciita cinhu cisati ciri corufu, ucakumbira, Mŋari agomupa ʋupenyu bgunopiwa ʋasiŋgaiti ciʋi corufu. Ciri’po ciʋi corufu; handiti akumbire pamsoro pecici.
17
kusarurama kwose ciʋi; ɀino ciʋi ciri’po cisati ciri corufu.
18
Tinoziʋa kuti mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa naMŋari haaiti ɀiʋi; asi wakaɓerekwa naMŋari unoceŋgetwa naye, wakaipa haaŋgamuɓati.
19
Tinoziʋa kuti tiri ʋaMŋari, nenyika yose igere munaiye wakaipa.
20
Tinoziʋa kuti Mŋanakomana waMŋari wakaʋuya, akatipa kuziʋa, kuti tiziʋe iye waɀokwaɗi; nesu tiri munaiye waɀokwaɗi, muMŋanakomana wake, Jesu Kristu. Ndiye Mŋari waɀokwaɗi, noʋupenyu bgusiŋgaperi.
21
Ʋana ʋaɗuku, ɀicenjerei paɀifananidzo.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
All chapters:
1
2
3
4
5