bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Thessalonians 1
2 Thessalonians 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Pauro, naSirvano, naTimotio, kukereke yaʋaTesaronika munaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu:
2
Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu
3
Tinofanira kuʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose pamsoro penyu, hama dzaŋgu, seɀaɀakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwaɀo, noruɗo rwenyu mose, mumŋe nomumŋe kunaʋamŋe, runowanda;
4
nokuɗaro isu timene tinoɀirumbidza mamuri pakereke dzaMŋari pamsoro pokutsuŋgirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.
5
Ndiɀo ɀinoratidza kutoŋga kwakarurama kwaMŋari; kuti mugonzi makafanirwa noʋushe bgaMŋari, bgamunotambudzikira ʋo;
6
ɀaɀakarurama kunaMŋari, kuti atsiʋe nokutambudzika iʋaʋo ʋanokutambudzai;
7
nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamŋe cete nesu pakuʋonekwa kwaShe Jesu, kana acibva kuɗeŋga naʋatumŋa ʋesimba rake,
8
mumŋoto unopfuta, acitsiʋa aʋo ʋasiŋgaziʋi Mŋari, naʋasiŋgatereri Evaŋgeri yaShe weɗu, Jesu;
9
iʋo ʋacarobga nokuparadzwa kusiŋgaperi, kuti ʋabve pamberi paShe, napakubginya kwesimba rake,
10
kana aciʋuya kuzorumbidzwa muʋatȿene ʋake, nokukanukirwa munaʋose ʋanotenda nezuʋa irero; (nokuti kupupura kweɗu kwamuri kwakatendwa).
11
Naiɀoɀo tinokunyeŋgetererai ʋo ŋguʋa dzose, kuti Mŋari weɗu ati, makafanirwa nokuɗanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuɗa kwenyu kwose kuita ɀakanaka namaɓasa ose okutenda;
12
kuti zita raShe weɗu Jesu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, seɀadzakaita nyasha dzaMŋari weɗu nedzaShe Jesu Kristu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3