bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Thessalonians 2
2 Thessalonians 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Ɀino tinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, pamsoro pokuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu, nokuʋuŋgana kweɗu kwaari;
2
kuti murege kukurumidza kuzunuŋguswa pakufuŋga kwenyu, kana kuvunduswa, kana nomŋeya, kana neshoko, kana neŋwadi, inonzi inobva kwatiri, muciti zuʋa raKristu ratoȿika;
3
ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai nomutoʋo upi noupi; nokuti hariȿiki, kana kutsauka kusati kwataŋga kuʋuya, nomunhu weɀiʋi, mŋanakomana wokurashika, asati amboʋonekwa,
4
iye, unorwa aciɀikudza pamsoro peɀose ɀinonzi Mŋari, kana ɀinonamatwa; nokuɗaro kuti unogara mutembere yaMŋari, aciɀiita Mŋari.
5
Hamuraŋgariri here kuti, ndiciri kwamuri, ndakakuʋudzai iɀoɀi?
6
Ɀino munoziʋa cinodziʋisa, kuti aratidzwe neŋguʋa yake.
7
Nokuti cakaʋanzika cokusarurama cotoɓate‐ɓasa raco; asi ɀicaitwa ɓedzi kuȿikira iye unodziʋisa ɀino acibviswa.
8
Ipapo iye usakarurama ucaʋonekwa, iye ucaʋurawa naShe Jesu nomŋeya womuromo wake, aciparadza nokuʋonekwa kwokuʋuya kwake;
9
kuʋuya kwake iye kwakaita seɓasa raSatani nesimba rose, neɀiratidzo, neɀinoshamisa ɀenhema,
10
nokunyeŋgera kwose kwokusarurama kunaʋanorashika; nokuti haʋana‐kugamucira ruɗo rweɀokwaɗi, kuti ʋaponeswe.
11
Saka Mŋari unoʋatumira simba rokukaŋganisa, kuti ʋatende nhema,
12
kuti ʋose ʋasina‐kutenda ɀokwaɗi, asi ʋakafarira ɀisakarurama, ʋatoŋgwe.
13
Asi isu tinofanira kuʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose pamsoro penyu, hama dzaŋgu, ʋaɗikanwa ʋaShe, nokuti Mŋari wakakusanaŋgurai kubva pakutaŋga, kuti muponeswe muʋutȿene bgoMŋeya nokutenda ɀokwaɗi.
14
Iɀo ɀaakakuɗanirai neEvaŋgeri yeɗu, kuti muwane kubginya kwaShe weɗu Jesu Kristu.
15
Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, mirai makasimba, muceŋgete mirairo yamakadzidziswa, kana neshoko kana neŋwadi yeɗu.
16
Ɀino, Ishe weɗu Jesu Kristu amene, naMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, ʋakatiɗa, ʋakatipa nenyasha dzaʋo kuʋaraidzwa kusiŋgaperi netariro yakanaka,
17
ŋgaʋaʋaraidze mŋoyo yenyu, ʋakusimbisei pamaɓasa ose namashoko ose akanaka.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3