bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Haggai 1
Haggai 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 2 →
1
Negore recipiri ramambo Dariusi, nomŋedzi wecitanhatu, pazuʋa rokutaŋga romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika nomuprofita Hagai kunaZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, muɓati waJuda, nokunaJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, riciti:
2
Jehova wehondo unotaura, aciti: Ʋanhu aʋa ʋanoti: Ŋguʋa icigere kuȿika, iyo ŋguʋa yokuʋakwa kweimba yaJehova.
3
Ipapo shoko raJehova rakaȿika nomuprofita Hagai, riciti:
4
Ko ɀino iŋguʋa yamuŋgagara imi mudzimba dzenyu dzakashoŋgedzwa namatanda, imba ino riri ɗoŋgo here?
5
Ɀino ɀanzi naJehova wehondo: Cerekedzai ɀamakaita.
6
Makakusha ɀizhinji, asi makaceka ɀishoma; munodya, asi hamuguti; munonwa, asi hamuguŋgwi; munofuka, asi hakunaunodziyirwa; unoɓatira muɓairo unoɓatira kuti aɀiceŋgete muhomboɗo yakabvoʋoka.
7
Ɀanzi naJehova wehondo: Cerekedzai ɀamakaita.
8
Kwirai mugomo, muʋuye namatanda, muʋake imba iyi; ini ndicaifarira, ʋuye ini ndicakudzwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
9
Makafuŋga kuwana ɀizhinji, tarirai, ɀakaŋgoita ɀishoma; makati maɀiisa kumusha, ini ndikafuridzira pamsoro paɀo. Nemhaka yeiko? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Nemhaka yeimba yaŋgu riri ɗoŋgo, mumŋe nomumŋe wenyu acimhanyira kumba kwake.
10
Saka ɗeŋga rakaramba nedoʋa nemhaka yenyu, nenyika inoramba neɀiɓereko ɀayo.
11
Ndakaɗana kuwoma kuʋuye panyika, napamakomo, napaɀiyo, napawaini itȿa, napamafuta, napaneɀinoɓerekwa nevu, napaʋanhu, napaɀipfuwo, napamaɓasa ose amaʋoko aʋanhu.
12
Ipapo Zerubaberi mŋanakomana waSheartieri, naJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara, ʋakateerera inzwi raJehova Mŋari waʋo, namashoko omuprofita Hagai, seɀaakaŋga atumŋa naJehova Mŋari waʋo; ʋanhu ʋakatya pamberi paJehova.
13
Ipapo Hagai, nhume yaJehova, wakataura naʋanhu seɀaakarairwa neshoko rakatumŋa naJehova, akati: Ndinemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
14
Jehova akamutsa mŋeya waZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, muɓati waJuda, nomŋeya waJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, nomŋeya waʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara, ʋakaʋuya ʋakaɓata paimba yaJehova wehondo, Mŋari waʋo,
15
nezuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi wecitanhatu, negore recipiri ramambo Dariusi.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 2 →
All chapters:
1
2