bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Haggai 2
Haggai 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
1
No mŋedzi wecinomŋe, ne zuʋa ramakumi maʋiri nerimŋe romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika nomuprofita Hagai, riciti:
2
Ɀino citaura naZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, muɓati waJuda, naJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, naʋanhu ʋose ʋakasara, uti:
3
Ndiani wakasara pakati penyu, wakaɗeya kuʋona imba ino pakubginya kwayo kwokutaŋga? Ɀino munoiʋona yakaɗiniko? Pakuʋona kwenyu haina‐kuita sapasina here?
4
Asi ɀino ciʋa nesimba, iwe Zerubaberi — ndiɀo ɀinotaura Jehova; newe Joshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, iʋa nesimba; nemi ʋanhu ʋose ʋenyika, iʋai nesimba, muɓate — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndinemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
5
Ndiro shoko resuŋgano yandakaita nemi, ŋguʋa yamakaɓuɗa Egipita, mŋeya waŋgu ucigere pakati penyu; regai kutya.
6
Nokuti ɀanzi naJehova wehondo: Kamŋe cete, kwasara ciŋguʋa ciɗuku, ndicazunuŋgusa ɗeŋga rose, nenyika neguŋgwa, nenyika yakawoma;
7
ndicazunuŋgusa ndudzi dzose; ɀose ɀinoɗikanwa nendudzi dzose ɀicaʋuya; ndicazadza imba ino nokubginya — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
8
Sirveri ndeyaŋgu, nendarama ndeyaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
9
Kubginya kwokupedzisira kweimba ino kucapfuʋura kwokutaŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; panɀimbo ino ndicapa rugare — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
10
Ne zuʋa ramakumi maʋiri namanna ro mŋedzi wepfumbamŋe, negore recipiri raDariusi, shoko raJehova rakaȿika nomuprofita Hagai, riciti:
11
Ɀanzi naJehova wehondo: Cibvunza ʋaprista pamsoro pomurairo, uti:
12
Kana munhu acitakura nyama tȿene mumupendero weŋguʋo yake, akagunɀa nomupendero ciŋgwa, kana ɀakaɓikwa, kana waini, kana mafuta, kana ɀokudya ɀipi neɀipi, ko ɀaʋa ɀitȿene here? Ʋaprista ʋakapindura, ʋakati: Kwete.
13
Ipapo Hagai akati: Kana munhu, wakaȿiɓiswa nemhaka yokuɓata citunha, akagunɀa cinhu cimŋe caiɀoɀi, ko caȿiɓiswa here? Ʋaprista ʋakapindura, ʋakati: Caȿiɓiswa.
14
Ipapo Hagai akapindura, akati: Ndiɀo ɀakaita ʋanhu aʋa norudzi urwu pamberi paŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndiɀo ɀakaita ɀose ɀaʋanoita namaʋoko aʋo, ʋuye ɀaʋanoɓayira’po ɀakaȿiɓiswa.
15
Ɀino fuŋgai henyu kubva pazuʋa ranhasi mucidzokera shure, ibge rimŋe ricigere kuiswa pamsoro pebge mutembere yaJehova.
16
Neŋguʋa iyo yose kana munhu aciŋge aȿika pamurwi weɀiyo ɀeɀiyero ɀinamakumi maʋiri, ɀaiŋgoʋa’po ɀinegumi; kana munhu akaȿika paciȿiniro cewaini aciti ndinocera hari dzinamakumi mashanu, dzaiŋgoʋa’po dzinamakumi maʋiri.
17
Ndakakuroʋai nenyunje nokuvuva necimvuramabge pamaɓasa ose amaʋoko enyu; asi hamuna‐ kutendeʋukira kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
18
Cifuŋgai henyu kubva pazuʋa ranhasi mucidzokera shure, kubva pazuʋa ramakumi maʋiri namanna ro mŋedzi wepfumbamŋe, kubva pazuʋa rakateyiwa nheyo dzetembere yaJehova, fuŋgai iɀoɀo.
19
Ko mbeu ici’mo muɗura here? Ɀirokwaɀo, muzambiriŋga nomuʋonde nomutamba nomuorivi haɀina‐kuɓereka; kubva pazuʋa rino ndica ku ropafadzai.
20
Ɀino shoko raJehova rakaȿika rwecipiri kunaHagai ne zuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi, riciti:
21
Taura naZerubaberi, muɓati waJuda, uti: Ndicazunuŋgusa ɗeŋga rose nenyika;
22
ndicawisira pasi ɀigaro ɀoʋushe; ndicaparadza simba roʋushe bgendudzi; ndicawisira pasi ŋgoro naʋanofamba nadzo; mabiza naʋanoataȿa acawira pasi, mumŋe nomumŋe nomunondo wehama yake.
23
Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicakutora iwe, Zerubaberi, muranda waŋgu, mŋanakomana waSheartieri — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicakuita secisimbiso; nokuti ndakakusanaŋgura — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
All chapters:
1
2