bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joel 1
Joel 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Shoko raJehova, rakaȿika kunaJoere mŋanakomana waPetueri.
2
Inzwai cinhu ici, imi ʋatana, murereke nzeʋe dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko ɀakaɗai ɀakamboitwa pamazuʋa enyu, kana pamazuʋa amadziɓaɓa enyu here?
3
Ʋudzai ʋana ʋenyu iɀoɀo, ʋana ʋenyu ʋaʋudze ʋo ʋana ʋaʋo, naʋana ʋaʋo ʋaʋudze rumŋe rudzi runoteʋera.
4
Ɀakasiyiwa nomuteteni, ɀakadyiwa nemhashu; ɀakasiyiwa nemhashu, ɀakadyiwa negwatakwata; ɀakasiyiwa negwatakwata, ɀakadyiwa nomupedzacose.
5
Mukai, imi ʋakaɓatwa neɗoro, muceme; wuŋgudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu.
6
Nokuti rumŋe rudzi rwaȿika panyika yaŋgu, rwakasimba, rusiŋgaʋereŋgwi; meno arwo meno eshumba, runameno makuru eshumbakadzi.
7
Rwakaparadza muzambiriŋga waŋgu, nokuvuna muʋonde waŋgu; rwakauȿuʋura kwaɀo, nokuuwisira pasi; mataʋi awo aceneswa.
8
Cemai semhandara yakaɀisuŋga ciʋuno namasaga nokuɗa kwomurume woʋumhandara bgayo.
9
Cipiriso coʋupfu necipiriso cinonwiwa ɀabviswa paimba yaJehova; ʋaprista, iʋo ʋashumiri ʋaJehova, ʋanocema.
10
Munda waparadzwa, nyika inocema; nokuti ɀiyo ɀaparadzwa, waini itȿa yapxa, mafuta apera.
11
Nyarai imi ʋarimi, wuŋgudzai imi ʋarimi ʋemizambiriŋga, nokuɗa kweɀiyo nebari; nokuti ɀakaɓerekwa neminda ɀaparadzwa.
12
Muzambiriŋga waȿaʋa, muʋonde unoshaiwa simba; mutamba nomucindwe ʋo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yawoma; mufaro waʋanakomana ʋaʋanhu wapera.
13
Ɀisuŋgei ɀiʋuno namasaga, muceme imi ʋaprista; wuŋgudzai imi ʋashumiri ʋeartari; ʋuyai muʋate ʋusiku bgose makapfeka masaga, imi ʋashumiri ʋaMŋari waŋgu; nokuti cipiriso coʋupfu necipiriso cinonwiwa ɀadziʋiswa paimba yaMŋari wenyu.
14
Tsaurai zuʋa rokuɀinyima ɀokudya, ɗanai ʋanhu kuʋuŋgano yakatarwa, kokerai ʋakuru naʋose ʋagere panyika kuimba yaJehova Mŋari wenyu, muɗane kunaJehova.
15
Haiwa, zuʋa iro here! Nokuti zuʋa raJehova raʋa pedyo, ricaȿika riciparadza ricibva kunaWamasimba‐ose.
16
Ko ɀokudya haɀinakubviswa pamberi peɗu, nomufaro nokufarisisa paimba yaMŋari weɗu here?
17
Mbeu dzinoʋorera pasi pamaviŋga adzo; matura aparadzwa, tsapi dzaputswa; nokuti ɀiyo ɀafa.
18
Ɀipfuwo ɀinogomera sei! Mapoka eŋombe akaŋganiswa, nokuti haɀicinamafuro; ɀirokwaɀo, mapoka amakwai aparadzwa.
19
Haiwa, Jehova, ndinoɗana kwamuri, nokuti mŋoto wapedza mafuro erenje, muraɀo wapisa miti yose yokusaŋgo.
20
Ɀirokwaɀo, mhuka dzokusaŋgo dzinocemera kwamuri, nokuti hoʋa dzemvura dzapxa, ʋuye mŋoto wapedza mafuro erenje.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3