bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joel 2
Joel 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Ridzai hwamanda paZioni, muridze mhere pagomo raŋgu dɀene; ʋose ʋagere panyika ŋgaʋaɗeɗere, nokuti zuʋa raJehova rinoʋuya, nokuti raʋa pedyo;
2
ricaʋa zuʋa rerima nokuȿiɓa, zuʋa ramakore nerima guru, samambakwedza akawarirwa pamakomo; rucaʋuya ruri rudzi rukuru runesimba; rwakaɗaro haruna‐kumboʋa’po, ʋuye haruŋgazoʋi’po shure kwaʋo, kuȿikira pamakore amarudzi mazhinji aʋanhu.
3
Mŋoto unoparadza pamberi paʋo, muraɀo unopfuta shure kwaʋo; nyika yakaita somunda weEdeni pamberi paʋo, ʋuye serenje rakaparadzwa shure kwaʋo; ɀirokwaɀo, hakuna‐wakapukunyuka kwaʋari.
4
Pakuʋonekwa kwaʋo ʋakafanana namabiza; saʋataȿi ʋamabiza, ndiko kumhanya kwaʋo.
5
Kuuruka kwaʋo pamsoro pamakomo kunoita somubvumo weŋgoro, somubvumo womuraɀo womŋoto unoparadza mashaŋga, saʋanhu ʋanesimba ʋakagadzirirwa kurwa.
6
Kana ʋaciȿika, ʋanhu ʋose ʋanotya kwaɀo, ɀiso ɀose ɀinoceneruka.
7
Ʋanomhanya saʋanhu ʋanesimba, ʋanokwira ruȿiŋgo saʋarwi, ʋanofamba mumŋe nomumŋe nenzira yake, haʋatoŋgotsauki pamisara yaʋo.
8
Haʋasundidzirani, mumŋe nomumŋe unofamba negwara rake; ʋanopxanya napakati penhumbi dzokurwa, ʋasiŋgatsauki.
9
Ʋanowira guta, ʋanomhanyira pamsoro poruȿiŋgo, ʋanokwira ʋacipinda mudzimba, ʋanopinda napamawindi sembava.
10
Nyika inoɗeɗera pamberi paʋo, ɗeŋga rose rinobvunda, zuʋa nomŋedzi ɀinoȿiɓa, nyeredzi dzinodzora kupenya kwadzo.
11
Jehova unoɓuɗisa inzwi rake pamberi pehondo yake, nokuti hondo yake ihuru kwaɀo; nokuti muiti weɀaakataura unesimba; nokuti zuʋa raJehova iguru, rinotyisa kwaɀo, ndianiko uŋgatsuŋga naro?
12
Kunyaŋge ɀakaɗaro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — naɀino tendeʋukirai kwandiri nemŋoyo yenyu yose, muciɀinyima ɀokudya, mucicema nokuwuŋgudza;
13
bvarurai mŋoyo yenyu, murege kubvarura ŋguʋo dzenyu, mutendeʋukire kunaJehova Mŋari wenyu; nokuti uneŋgoni nenyasha, unononoka kutsamŋa, unetsitsi zhinji, ʋuye unoɀiɗemba pa kuitira ʋanhu ɀakaipa.
14
Ndiani uŋgaziʋa, ɀimŋe uŋgadzoka akaɀiɗemba, akasiya mukomborero kana acibva, ɀimŋe cipiriso coʋupfu kana cipiriso cinonwiwa ɀamuŋgaʋigira Jehova Mŋari wenyu?
15
Ridzai hwamanda paZioni, tsaurai zuʋa rokuɀinyima ɀokudya, ɗanai ʋanhu kuʋuŋgano yakatarwa;
16
kokerai ʋanhu, natsai ʋuŋgano, kokerai ʋakuru, ʋuŋganidzai ʋana, naʋanomna pamazamu; cikomba ŋgaciɓuɗe paimba yaco nomŋeŋga paimba yake yokuʋata.
17
Ʋaprista, iʋo ʋashumiri ʋaJehova, ŋgaʋaceme pakati peɓiraʋira neartari, ʋati: Haiwa, Jehova, regai ʋanhu ʋenyu, musaisa nhaka yenyu pakushoʋorwa, kuti marudzi aʋanhu aʋaseke; ʋaŋgareʋereiko pakati pamarudzi aʋanhu, ʋaciti: Mŋari waʋo uripiko?
18
Ipapo Jehova akaʋa negodo pamsoro penyika yake, akanzwira ʋanhu ʋake tsitsi.
19
Jehova akapindura, akati kuʋanhu ʋake: Tarirai, ndicakutumirai ɀiyo, newaini itȿa, namafuta, mugoguta naɀo; handicakuitiyi cinhu cinoshoʋorwa pakati pamarudzi;
20
asi ndicabvisa kure nemi hondo inobva kurutiʋi rwokumsoro, ndiciidziŋgira kunyika yakawoma yakaparadzwa, rutiʋi rwayo rwapamberi rwakatarira kuguŋgwa rokumabvazuʋa, norutiʋi rwayo rweshure kuguŋgwa rokumaʋirazuʋa; kunhuwa kwayo kucakwira, norwema rwayo rwakaipa rucakwira, nokuti yakaita ɀinhu ɀikuru.
21
Rega hako kutya, iwe nyika, fara ufarisise; nokuti Jehova wakaita ɀinhu ɀikuru.
22
Regai kutya, imi mhuka dzesaŋgo; nokuti mafuro erenje anoɓukira, nokuti miti inoɓereka ɀiɓereko ɀayo, miʋonde nemizambiriŋga ɀinoʋigira ʋanhu simba raɀo.
23
Naiɀoɀo farai, imi ʋana ʋeZioni, mufarisise munaJehova Mŋari wenyu; nokuti unokupai mudzidzisi wokururama, ʋuye unokunisirai mvura, mvura yokutaŋga nemvura yokuteʋerera, no mŋedzi wokutaŋga.
24
Mapuriro acazara neɀiyo, ʋuye ɀiȿiniro ɀicapafuma waini namafuta.
25
Ndicakudzoserai ɀe makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzacose, nomuteteni, iyo hondo yaŋgu huru yandakatuma pakati penyu.
26
Mucadya ɀakawanda, mukaguta, mukarumbidza zita raJehova Mŋari wenyu, wakakuitirai ɀinoshamisa; ʋanhu ʋaŋgu haʋaŋgatoŋgonyadziswi nokusiŋgaperi.
27
Ipapo mucaziʋa kuti ndiri pakati paIsraeri, kuti ndini Jehova Mŋari wenyu, ʋuye kuti hakunomumŋe; ʋanhu ʋaŋgu haʋaŋgatoŋgonyadziswi nokusiŋgaperi.
28
Ɀino shure kwaiɀoɀo ndicaɗurura Mŋeya waŋgu pamsoro penyama yose; ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋacaprofita, ʋatana ʋenyu ʋacarota hope, namajaya enyu acaʋona ɀiratidzo;
29
ndicaɗurura ʋo Mŋeya waŋgu pamsoro paʋaranda napamsoro paʋashandiri namazuʋa iwayo.
30
Ndicaratidza ɀishamiso kuɗeŋga napanyika, ɀinoti: Ropa nomŋoto neshoŋgwe dzoʋutsi.
31
Zuʋa ricashanduka rima, mŋedzi ucashanduka ropa, zuʋa guru raJehova rinotyisa risati raȿika.
32
Ɀino aninani unoɗana zita raJehova ucarwirwa; nokuti pagomo reZioni napaJerusarema ndi’po pacaʋa naʋakapukunyuka, seɀakataura Jehova, napakati paʋakasara ndi’po pacaʋa ʋakaɗanwa naJehova.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3