bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jonah 2
Jonah 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
1
Ipapo Jona akanyeŋgetera kunaJehova Mŋari wake ari muɗumbu rehoʋe.
2
Akati: Ndakaɗana kunaJehova ndiri munhamo yaŋgu, Akandipindura; Ndakaɗana ndiri muɗumbu reSheori, Imi mukanzwa inzwi raŋgu.
3
Nokuti makandikandira makadzika, mukati momŋoyo weguŋgwa, Mvura zhinji yakaŋga yandikomberedza; Mafuŋgu enyu namapoporodzi enyu akapfuʋura napamsoro paŋgu.
4
Ndikati: Ndarashwa, hamucandiʋoni; Asi ndicariŋgira ɀe kutembere yenyu tȿene.
5
Mvura zhinji yakandikomberedza, kuȿikira kumŋeya waŋgu; Pakadzika pakaŋga pandipoteredza; Maharaŋgwe akaŋga amonera musoro waŋgu.
6
Ndakaɓurukira kumaʋambiso amakomo; Nyika neɀipfigiso ɀayo ɀakandipfigira’mo nokusiŋgaperi; Kunyaŋge ɀakaɗaro makaɓuɗisa ʋupenyu bgaŋgu pagomba, imi, Jehova Mŋari waŋgu.
7
Mŋeya waŋgu wakati uciziya mukati maŋgu, ndikaraŋgarira Jehova; Munyeŋgetero waŋgu ukapinda kwamuri mutembere yenyu tȿene.
8
Ʋanoraŋgarira ɀisinamaturo ɀenhema Ʋanorasha nyasha yaʋo.
9
Asi ndicakuɓayirai nenzwi rokuʋoŋga; Ndicaripa ɀandapika. Ruponeso runobva kunaJehova.
10
Jehova akataura nehoʋe, ikandorutsira Jona panyika yakawoma.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4