bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jonah 4
Jonah 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Asi ɀakaʋodza mŋoyo waJona kwaɀo, akatsamŋa.
2
Akanyeŋgetera Jehova, akati: Haiwa, Jehova, ha ndiɀo ɀandakataura, ndiciri munyika yaŋgu here? Saka ndakacimbidzika kutizira Tarshishi; nokuti ndakaŋga ndiciziʋa kuti muri Mŋari unenyasha, uneŋgoni, usiŋgacimbidziki kutsamŋa, uzere noʋunyoro, muciɀiɗemba pamakafuŋga kuʋuyisa ɀakaipa.
3
Saka Jehova, ɀino cinditorerai henyu ʋupenyu bgaŋgu; nokuti ɀirinani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.
4
Jehova akati: Ɀakanaka here ɀawatsamŋa?
5
Ipapo Jona akaɓuɗa muguta, akandogara kurutiʋi rwamabvazuʋa rweguta, akaɀiʋakira’po musasa, ndokugara’mo mumumvuri, aciti ndigoʋona ɀicaitirwa guta.
6
Jehova Mŋari ndokuraira muti womucindwe, akaumeresa kumsoro kwaJona, kuti uʋe mumvuri pamusoro wake, shuŋgu dzake dzinyaradzwe. Ɀino Jona akafarira kwaɀo muti womucindwe.
7
Asi nezuʋa rakateʋera Mŋari wakaraira gonye maŋgwanani, rikamunya mucindwe, ukaȿaʋa.
8
Ɀino zuʋa rakati riciɓuɗa, Mŋari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuʋa; zuʋa rikaɓaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati: Ɀirinani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.
9
Mŋari akati kunaJona: Ɀakanaka here ɀawatsamŋira mucindwe? Akati: Ɀakanaka kuti nditsamŋe, kuȿikira parufu pamene.
10
Jehova akati: Iwe wakaŋga unetsitsi nomuti womucindwe wausina‐kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera noʋusiku ʋumŋe, ukaparara ɀe noʋusiku ʋumŋe;
11
ko ɀino ini handizaifanira kuʋa netsitsi neNineve, riya guta guru, munaʋanhu ʋanopfuʋura ɀuru ɀinezana namakumi maʋiri, ʋasiŋgaziʋi kuti ruʋoko rwaʋo rworudyi kana ruʋoko rwaʋo rworuɓoshwe ndorupi, ʋuye ɀipfuwo ɀizhinji here?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4