bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Philippians 1
Philippians 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
1
Pauro naTimotio, ʋaranda ʋaKristu Jesu, kuʋatȿene ʋose munaKristu Jesu, ʋari paFiripi, naʋatariri naʋaranda ʋekereke:
2
Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu.
3
Ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu ŋguʋa imŋe neimŋe kana ndicikufuŋgai, —
4
ndicikumbira nomufaro ŋguʋa dzose pakukumbira kwaŋgu kwose, pamsoro penyu mose —
5
nokuɗa kwokusoŋgana kwenyu paEvaŋgeri kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira ɀino;
6
ndiciziʋa cinhu ici, kuti iye wakataŋga ɓasa rakanaka mukati menyu, ucaripedzisa kuȿikira pazuʋa raKristu Jesu;
7
seɀaɀakanaka kwandiri kuti ndifuŋge saiɀoɀo pamsoro penyu mose, ɀandinokuraŋgarirai mumŋoyo maŋgu, nokuti pakusuŋgwa kwaŋgu napakutaʋirira nokusimbisa Evaŋgeri, imi makagoʋerwa nyasha pamŋe cete neni.
8
Nokuti Mŋari capupu caŋgu kuti ndinokushuʋai mose ɀikuru netsitsi dzaKristu Jesu.
9
Ndiɀo zandinonyeŋgetera, kuti ruɗo rwenyu rurambe ruciŋgowanda pakuziʋa nokunzwisisa kwose;
10
kuti muidze muziʋe kuti ɀinhu ɀakanaka ndeɀipi, kuti muʋe ʋakarurama, ʋasinemhoȿa, kuȿikira pazuʋa raKristu;
11
muzere neciɓereko cokururama, cinoʋuya naJesu Kristu, kuti Mŋari aʋe nokubginya nokurumbidzwa.
12
Ɀino ndinoɗa kuti muziʋe, hama dzaŋgu, kuti iɀo ɀakandiwira ɀakatofambisa Evaŋgeri;
13
nokuɗaro kuti kusuŋgwa kwaŋgu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokunaʋamŋe ʋose kuti kuri munaKristu.
14
Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusuŋgwa kwaŋgu, ʋonyanya kutsuŋga kuparidza shoko raMŋari ʋasiŋgatyi.
15
Ʋamŋe haʋo ʋanoparidza Kristu negoɗo negakaʋa, ʋamŋe nomŋoyo wakanaka;
16
ʋamŋe haʋo ʋanoita noruɗo, ʋaciziʋa kuti ndakagadzwa kuti nditaʋirire Evaŋgeri.
17
Asi ʋamŋe ʋanoparidza Kristu nenharo, ʋasiŋgaiti nomŋoyo wakacena, ʋaciti ʋawedzere nhamo pakusuŋgwa kwaŋgu.
18
Ɀinei haɀo? Haɀina haɀo, asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namano‐mano, kana neɀokwaɗi; ndinofara naɀo, ʋuye ndicasifara haŋgu naɀo.
19
Nokuti ndinoziʋa kuti nokuɗa kwokukumbira kwenyu nokusimbiswa kwoMŋeya waJesu Kristu, iɀoɀi ɀicaʋa kuponeswa kwaŋgu,
20
ɀandinotarira ɀikuru netariro, kuti handiŋganyadziswi pacinhu cimŋe; asi kuti ɀino, sapaŋguʋa dzose, nokusatya kwaŋgu kwose Kristu ucakudzwa mumuʋiri waŋgu, kana noʋupenyu, kana nokufa.
21
Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma.
22
Ɀino kana ndicirarama panyama, iɀo ɀicandipa ɀiɓereko ɀokuɓata kwaŋgu; handiziʋi candicasanaŋgura;
23
ɀino ndinomanikidzwa neɀinhu ɀiʋiri: ndinoɗa kubva, kuti ndiʋe naKristu, nokuti ndiɀo ɀinopfuʋura nokunaka;
24
asi nokuɗa kwenyu ɀakanaka kuti ndigare panyama.
25
Ɀino ndicitenda cinhu ici, ndinoziʋa kuti ndicagara, ndicaramba ndigere nemi mose, kuti mupfuʋurire mberi, mufare pakutenda;
26
kuti muɀirumbidze ɀikuru munaKristu Jesu pamsoro paŋgu nokuɗa kwokudzokera kwaŋgu kwamuri.
27
Asi fambai ɓedzi ɀakafanira Evaŋgeri yaKristu; kuti kunyaŋge ndikaʋuya ndikakuʋonai, kunyaŋge ndisi’po, ndinzwe pamsoro penyu kuti mumire nesimba nomŋeya mumŋe, nomŋoyo mumŋe, mucirwira kutenda kweEvaŋgeri;
28
musiŋgatyiswi pacinhu cimŋe naʋanorwa nemi. Ndiɀo ɀicaʋa ciratidzo cokuparadzwa kwaʋari, asi kwamuri cokuponeswa; cinhu ici cinobva kunaMŋari.
29
Nokuti nokuɗa kwaKristu imi makatenderwa kuti murege kutenda kwaari ɓedzi, asi kuti mutambudzike ʋo nokuɗa kwake;
30
imi mucirwa ʋo nokurwa uku kwamakaʋona kwandiri, kwamunonzwa kuti ndinorwa naɀino.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4