bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Philippians 3
Philippians 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Pakupedzisira, hama dzaŋgu, farai munaShe. Ini handinetswi nokukunyorerai ɀe ɀinhu ɀiya, asi ɀinokusimbisai imi.
2
Ityai imbga, ityai ʋaɓati ʋakaipa, ityai ʋokuceka;
3
nokuti isu tiri ʋokudziŋgiswa, tinonamata noMŋeya waMŋari, tinoɀirumbidza munaKristu Jesu, tisiŋgaʋimbi nenyama,
4
kunyaŋge ini haŋgu ndiŋgaʋimba nenyama; kana kunomumŋe munhu unoti ndinoʋimba nenyama, ɀikuru ini.
5
Ndakadziŋgiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwaʋaIsraeri ʋeimba yaBenjamini, muHeberu waʋaHeberu; pamurairo ndiri muFarise;
6
pakushiŋgaira kwaŋgu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebga nomurairo ndakaŋga ndisina‐candiŋgapomerwa.
7
Asi iɀoɀo, ɀaiʋa fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuɗa kwaKristu.
8
Hoŋo, ɀirokwaɀo, ndinototi ɀinhu ɀose kurashikirwa hako nokuɗa kwokunaka kwokuziʋa Kristu Jesu, Ishe waŋgu, wandakarashikirwa neɀinhu ɀose nokuɗa kwake, ndikaɀiidza marara, kuti ndiwane Kristu;
9
ndiwanikwe maari, ndisina‐kururama kwaŋgu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMŋari nenzira yokutenda;
10
kuti ndimuziʋe iye, nesimba rokumuka kwake, nokusoŋgana naye pamaɗambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;
11
kuti ɀimŋe ndiȿike pakumuka kwaʋakafa.
12
Handiti ndato ci wana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshiŋgairira’ ko, kuti ɀimŋe ndi ci ɓate, ico Kristu Jesu caakambondiɓatira.
13
Hama dzaŋgu, ini handiti ndatociɓata, asi ndinoita cinhu cimŋe: ndinokaŋganwa ɀiri shure, ndicinanaʋira kuneɀiri mberi,
14
ndinoshiŋgairira kunharidzano, kuti ndipiwe muɓairo wokuɗana kwaMŋari kunobva kuɗeŋga, munaKristu Jesu.
15
Naiɀoɀo isu tose, takakura, ŋgatiʋe nomŋoyo wakaɗaro; kana imi munomumŋe mŋoyo, Mŋari ucakuratidzai naiɀoɀo ʋo.
16
Asi, ŋgatirambe ticifamba ɓedzi nomurairo iwoyu wataȿika nawo pataȿika.
17
Hama dzaŋgu, iʋai ʋateʋeri ʋaŋgu mose; natsai kutarira aʋo ʋanofamba saiɀoɀo seɀatakakutuŋgamirirai su.
18
Nokuti ʋazhinji, ʋandakakuʋudzai ɀizhinji, naɀino ndinokuʋudzai ʋo nokucema, ʋanofamba ʋari ʋaʋeŋgi ʋomucinjikwa waKristu;
19
kuguma kwaʋo ndiko kuparadzwa, mŋari waʋo iɗumbu raʋo, ʋanoɀirumbidza pamsoro peɀinonyadzisa ɀaʋo, ʋanofuŋga ɀenyika.
20
Nokuti nyika yeɗu iri kuɗeŋga, uko kwatakatarira kuʋuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu;
21
uyo ucaʋandudza muʋiri wokuninipiswa kweɗu, kuti ufanane nomuʋiri wokubginya kwake, nesimba iro raanogona ʋo naro kuɀiisira ɀose pasi pake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4