bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ruth 2
Ruth 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
1
Ɀino Naome wakaŋga anehama yomurume wake, murume wakaŋga anesimba nefuma, weimba yaErimereki, wainzi Boazi.
2
Rute muMoabi akati kunaNaome: Nditenderei ndiende kumunda, ndindoʋuŋganidza hura dzeɀiyo shure kwaiye unondinzwira nyasha. Akati kwaari: Enda hako, mŋana waŋgu.
3
Iye akaenda, akandoʋuŋganidza pamunda aciteʋera ʋaceki; akaʋa neropa rakanaka kuti wakaȿika pamunda waBoazi weimba yaErimereki.
4
Ɀino ʋonei, Boazi wakabva Beti‐rehemi, akati kuʋaceki: Jehova aʋe nemi. Iʋo ʋakapindura, ʋakati kwaari: Jehova akuropafadzei ʋo.
5
Boazi akati kumuranda wake wakaŋga ari mutariri waʋaceki: Musikana uyu ndowaniko?
6
Muranda, wakaŋga ari mutariri waʋaceki, akapindura, akati: Ndiye musikana muMoabi, wakadzoka naNaome ʋacibva kunyika yaMoabi;
7
iye akati: Nditenderei ʋo ndiʋuŋganidze, ndinoŋge shure kwaʋaceki pakati peɀisote; naiɀoɀo akaʋuya, akaswera’po kubva maŋgwanani kuȿikira ɀino; asi wakagara mumba ŋguʋa ɗuku.
8
Ipapo Boazi akati kunaRute: Cinzwa hako, mŋanasikana waŋgu. Usandoʋuŋganidza kunomumŋe munda, ʋuye usabva pano, asi urambire pano kuʋasikana ʋaŋgu.
9
Meso ako ŋgaarambe acitarira munda waʋanoceka, newe uʋateʋere; ndakaraira majaya aŋgu kuti ʋarege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya.
10
Ipapo akawira pasi neciso cake, akakotamira pasi, akati kwaari: Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muʋe nehanya neni, ɀandiri mutorwa haŋgu?
11
Boazi akapindura, akati kwaari: Ndakaziʋiswa ɀose ɀawakaitira ʋamŋene ʋako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya ɓaɓa ʋako namai ʋako nenyika kwawakaɓerekerwa, ukaʋuya kuʋanhu ʋawakaŋga usiŋgaziʋi kare.
12
Jehova ŋgaakuripire seɀawakaɓata, upiwe muɓairo wakakwana naJehova Mŋari waIsraeri, wawakaʋuya kuzoʋanda pasi pamapapiro ake.
13
Iye akati: Ndinzwirwe haŋgu nyasha nemi, ishe waŋgu; nokuti makandinyaradza, mukataura ɀakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyaŋge ndisina‐kufanana nomumŋe waʋarandakadzi ʋenyu.
14
Neŋguʋa yokudya Boazi akati kwaari: Ʋuya pano, udye ciŋgwa, useʋere musuʋa wako muvinega. Iye akagara naʋaceki, iʋo ʋakamugamucidza ɀiyo ɀakakaŋgwa, akadya, akaguta, akasiya ɀimŋe.
15
Ɀino wakati asimuka kuzoʋuŋganidza ɀiyo, Boazi akaraira majaya ake, akati: Ŋgaaʋuŋganidze hake kunyaŋge napakati peɀisote, musamudziʋisa.
16
Mumuvomorere ʋo dzimŋe hura patsama, mudzisiye, aʋuŋganidze hake, musamutuka.
17
Naiɀoɀo akaʋuŋganidza pamunda kuȿikira maɗekwana; akandopura ɀaakaʋuŋganidza, ɀikaʋaʋarira kuȿika efa imŋe yebari.
18
Akaɀisimudza, ndokupinda muguta; ʋamŋene ʋake ʋakaʋona ɀaakaŋga aʋuŋganidza; akaɓuɗisa ʋo ɀakaŋga ɀasara aguta hake, akaʋapa iɀo.
19
Ipapo ʋamŋene ʋake ʋakati kwaari: Wandoʋuŋganidzepiko nhasi? Wandoɓate‐ɓasa kupiko? Iye wakaʋa nehanya newe ŋgaaropafadzwe. Akaʋudza ʋamŋene ʋake kuti wakandoɓate‐ɓasa kunani, akati: Zita romurume wandakandoɓata kwaari nhasi ndiBoazi.
20
Naome akati kumukadzi womŋana wake: Ŋgaaropafadzwe naJehova, iye usina‐kubvisa ŋgoni dzake kuʋapenyu naʋakafa. Naome akati kwaari: Murume uyu ihama yeɗu yomumba, mumŋe waʋadzikinuri ʋeɗu.
21
Rute muMoabi akati: Hoŋo, wakati kwandiri: Unofanira kurambira kumajaya aŋgu, kuȿikira ʋapedza kuceka ɀose ɀaŋgu.
22
Naome akati kunaRute, mukadzi womŋana wake: Ɀakanaka mŋana waŋgu, kuti uende naʋasikana ʋake, urege kuʋonekwa kunomumŋe munda.
23
Naiɀoɀo akarambira kuʋasikana ʋaBoazi, akaʋuŋganidza kuȿikira pakupera kwokucekwa kwebari nokucekwa kweɀiyo; akagara naʋamŋene ʋake.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4