bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ruth 3
Ruth 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Ɀino Naome, ʋamŋene ʋake, akati kwaari: Mŋanasikana waŋgu, handifaniri kukutȿakira zororo, kuti ufare here?
2
Ɀino Boazi, kwawakaŋga uri kuʋasikana ʋake, haizi hama yeɗu here? Tarira iye ucarudza bari maɗekwanano paɓuriro.
3
Ɀino ciɀishambidza, uzore mafuta, ufuke ŋguʋo dzako, ndokuɓurukira kuɓuriro; asi usaɀiratidza kumurume uyo, kuȿikira apedza kudya nokunwa.
4
Ɀino kana iye acindoʋata, iwe unofanira kucerekedza paanondoʋata, ugoenda ndokufukura tsoka dzake, ndokuʋata’po pasi; iye ucakuʋudza ɀaucafanira kuita.
5
Akati kwaari: Ɀose ɀamunondiʋudza ndicaɀiita.
6
Ipapo akaɓurukira kuɓuriro, akandoita ɀose ɀaakaŋga arairwa naʋamŋene ʋake.
7
Ɀino Boazi wakati apedza kudya nokunwa, mŋoyo wake ukafara, akandoʋata pamuceto womurwi weɀiyo; ipapo iye akanatso‐ȿika, akafukura tsoka dzake, ndokuʋata pasi.
8
Pakati poʋusiku murume akavunduka, akashanduka, ʋonei mukadzi uʋete patsoka dzake.
9
Akati: Ndiwe aniko? Akapindura, akati: Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu neŋguʋo yenyu, nokuti muri hama yomumba.
10
Ipapo iye akati: Uropafadzwe naJehova, mŋanasikana waŋgu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuʋura pakutaŋga; nokuti hauna‐kuteʋera majaya, kunyaŋge aiʋa ʋarombo kana ʋafumi.
11
Ɀino mŋanasikana waŋgu, usatya hako; ndicakuitira ɀose seɀaunotaura; nokuti ʋose ʋeguta raŋgu ʋanoziʋa kuti uri mukadzi wakanaka kwaɀo.
12
Ɀino iɀo ɀirokwaɀo kuti ini ndiri hama yomumba, asi kuneimŋe hama iri pedyo kupfuʋure’ni.
13
Ʋata hako ʋusiku bguno; ɀino maŋgwana, kana iye aciɗa kukuitira ɀinofanira kuitwa nehama, ndiɀo haɀo; ŋgaaite ɀinofanira kuitwa nehama; asi kana asiŋgaɗi kukuitira ɀinofanira kuitwa nehama, ini ndicakuitira ɀinofanira kuitwa nehama, ndinopika naJehova mupenyu; ciʋata hako kuȿikira maŋgwana.
14
Iye akaʋata patsoka dzake kuȿikira maŋgwanani, akamuka ʋanhu ʋacigere kunatso‐ʋona. Nokuti wakati: Ŋgaɀirege kuzikanwa, kuti mukadzi wakaʋuya paɓuriro.
15
Akati: Ʋuya neŋguʋo yawakafuka, uiɓate; akaiɓata, iye akayera ɀiyero ɀitanhatu ɀebari, akamutakudza iɀo, akapinda muguta.
16
Ɀino wakati aciȿika kuʋamŋene ʋake, iʋo ʋakati: Ɀazoɗiniko mŋana waŋgu? akaʋaʋudza ɀose ɀaakaŋga aitirwa nomurume uya.
17
Akati: Iye wandipa ɀiyero iɀi ɀitanhatu ɀebari, nokuti wakati: Usaenda kuʋamŋene ʋako usinecinhu.
18
Ɀino ʋakati: Cigara hako, mŋana waŋgu, kuȿikira waʋona mugumo weshoko iri; nokuti murume uyu haaŋgazorori kuȿikira apedza shoko iri nhasi.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4