bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Titus 2
Titus 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Ɀino iwe, taura ɀakafanira dzidziso yakarurama.
2
Ʋarume ʋakuru ŋgaʋaʋe ʋakaȿinuka, ʋanokudzwa, ʋakaŋgwara, ʋakarurama pakutenda, naparuɗo, napakutsuŋgirira;
3
saiɀoɀo ʋo ʋakadzi ʋakuru ŋgaʋaʋe nomufambire wakafanira ʋatȿene, ʋasiŋgaceri, kana kuɗa waini zhinji, asi ʋaʋe ʋadzidzisi ʋeɀakanaka;
4
kuti ʋadzidzise ʋakadzi ʋaɗuku, kuti ʋaɗe ʋarume ʋaʋo, nokuɗa ʋana ʋaʋo,
5
ʋaʋe ʋakaŋgwara, ʋakacena, ʋanoceŋgeta imba, ʋanyoro, ʋanoɀiisa pasi paʋarume ʋaʋo, kuti shoko raMŋari rirege kumhurwa.
6
Saiɀoɀo ʋo ʋarume ʋaɗuku uʋaraire kuti ʋaʋe ʋakaŋgwara;
7
paɀinhu ɀose iwe umene uʋaratidze makwara amaɓasa akanaka; uʋe nokusakaŋganisa pakudzidzisa, nomugarire unokudzwa,
8
nokutaura kwakarurama, kusiŋgagoni kushoʋorwa, kuti unopesana nesu anyadziswe, asinecinhu cakaipa caaŋgareʋa pamsoro peɗu.
9
Ʋaranda ŋgaʋaɀiise pasi paʋatenzi ʋaʋo, ʋaʋafadze paɀinhu ɀose, ʋasiŋgakakaʋari;
10
ʋasiŋgaɓi, asi ʋaratidze kutendeka kwakanaka kwose, kuti ʋashoŋgedze dzidziso yaMŋari, Muponesi weɗu, paɀinhu ɀose.
11
Nokuti nyasha dzaMŋari dzakaʋonekwa, dzinoʋigira ʋanhu ʋose kuponeswa,
12
dzicitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mŋari nokuciʋa ɀenyika, tirarame nokuŋgwara, nokururama, nokunamata Mŋari paŋguʋa ino,
13
takatarira tariro inofadza, nokuʋonekwa kwokubginya kwaMŋari mukuru, noMuponesi weɗu, Kristu Jesu,
14
wakaɀipa nokuɗa kweɗu, kuti atidzikinure paɀisakarurama ɀose, kuti aɀinatsire ʋanhu ʋaʋe ʋake caiʋo, ʋanhu ʋanoshiŋgairira maɓasa akanaka.
15
Taura ɀinhu iɀi, uraire, uraŋge nesimba rose; ŋgakurege kuʋa nomunhu unokuɀidza.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
Recommended Reading
Commentary
Titus Commentaries
→
Devotional
Titus Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→