bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zephaniah 2
Zephaniah 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Ʋuŋganai, ɀirokwaɀo ʋuŋganai, imi rudzi rusiŋganyari;
2
cireʋo cisati caɓereka, zuʋa risati rapfuʋura sehundi, kutsamŋa kukuru kwaJehova kusati kwaʋuya pamsoro penyu, zuʋa rokutsamŋa kwaJehova risati raʋuya pamsoro penyu.
3
Tȿakai Jehova, imi mose ʋanyoro ʋenyika, imi makaceŋgeta mitemo yake; tȿakai kururama, tȿakai ʋunyoro; ɀimŋe muŋgaʋandika nezuʋa rokutsamŋa kwaJehova.
4
Nokuti Gaza ricasiyiwa, Ashkeroni ricaitwa ɗoŋgo; ʋacadziŋga Ashdodi masikati makuru, Ekroni ricadzurwa.
5
Ʋanenhamo ʋagere panyika iri paguŋgwa, irwo rudzi rwaʋaKereti! Shoko raJehova rinokutuka, iwe Kanani, nyika yaʋaFiristia; ndicakuparadza, kuti parege kuzoʋa unogara’po.
6
Mhenderekedzo dzeguŋgwa dzicaʋa mafuro anamapako aʋafudzi neɀirugu ɀamakwai.
7
Mhenderekedzo dzicaʋa dzaʋakasara ʋeimba yaJuda; ʋacafudza’po makwai aʋo; ʋacaʋata pasi maɗekwana mudzimba dzeAshkeroni; nokuti Jehova Mŋari waʋo ucaʋashanyira nokudzosa kutapxa kwaʋo.
8
Ndakanzwa kuɀidza kwaMoabi, nokutuka kwaʋana ʋaAmoni, kwaʋakaɀidza nako ʋanhu ʋaŋgu, ʋaciita manyawi pamuganho waʋo.
9
Naiɀoɀo noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ɀirokwaɀo, Moabi ʋacaita seSodoma, naʋana ʋaAmoni seGomora, nyika yorukato, namakomba omunyu, namatoŋgo nokusiŋgaperi; ʋanhu ʋaŋgu ʋakasara ʋacaʋaita cinhu cakatapxa, ʋakasara ʋorudzi rwaŋgu ʋacaʋagara nhaka.
10
Ndiɀo ɀaʋacapiwa nokuɗa kwokuɀikudza kwaʋo, nokuti ʋakaɀidza ʋanhu ʋaJehova wehondo nokuɀikudza kwaʋari.
11
Jehova ucaʋatyisa kwaɀo, nokuti ucaparadza ʋamŋari ʋose ʋenyika; ʋanhu ʋacamunamata iye, mumŋe nomumŋe acibva panɀimbo yake, naiɀo ɀiwi ɀose ɀendudzi.
12
Nemi ʋo ʋeEtiopia, mucaʋurawa nomunondo waŋgu.
13
Ucatambanudzira ruʋoko rwake kurutiʋi rwokumsoro, ndokuparadza Asiria; Nineve ucariita ɗoŋgo, riwome serenje.
14
Ɀipfuwo ɀicaʋata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenuŋgu ɀicaʋata pamisoro yembiru dzaro; inzwi rokurira kwaɀo ricanzwika pamawindi; kuparadzwa kucaʋa’po paɀikumbaridzo; nokuti wakafukunura ɀakaʋezwa ɀemisidari.
15
Iri ndiro guta raigara nomufaro risinehanya, raiti mumŋoyo maro: Ndini, hakucinomumŋe kunze kwaŋgu! Haiwa, raitwa ɗoŋgo sei, nɀimbo inoʋata mhuka! Mumŋe nomumŋe unopfuʋura napo ucaridza muridzo, acizunuŋgusa ruʋoko rwake.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3