bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Zephaniah 3
Zephaniah 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Rinenhamo iro guta rinomukira Jehova, rakaȿiɓiswa, rinomanikidza!
2
Harina‐kuterera inzwi, harina‐kutenda kuraŋgwa, harina‐kuʋimba naJehova, harina‐kusweɗera kunaMŋari waro.
3
Macinda aro mukati maro ishumba dzinoʋomba, ʋatoŋgi ʋaro mapere amaɗekwana, asiŋgasiyi cinhu kuȿikira maŋgwanani.
4
Ʋaprofita ʋaro ʋanhu ʋakareruka ʋanonyeŋgera; ʋaprista ʋaro ʋakamhura nɀimbo tȿene, ʋakaitira murairo simba.
5
Jehova uri mukati maro wakarurama, haaŋgaiti ɀakaipa; zuʋa rimŋe nerimŋe maŋgwanani unoɓuɗisa pacena kururamisa kwake, asiŋgaɗariki; asi usina‐kururama haaziʋi kunyara.
6
Ndakaparadza ndudzi, shoŋgwe dzaʋo aʋa matoŋgo; nzira dzaʋo dzomumisha ndakadziparadza, hakucina‐unopfuʋura napo; maguta aʋo akaparadzwa, hakunaʋanhu’mo, hakuna‐ugere’po.
7
Ndakati: Unditye cete; tenda kuraŋgwa; ipapo paanogara hapazaiparadzwa, seɀandakaraira ɀose pamsoro pake; asi ʋakafumira maŋgwanani, ʋakaȿiɓisa ɀose ɀaʋakaita.
8
Naiɀoɀo, ndimirirei — ndiɀo ɀinotaura Jehova — kuȿikira zuʋa randicasimuka kuzopamba; nokuti ndatoŋga kuti ndicaʋuŋganidza ndudzi dzaʋanhu, kuti ndikokere ʋushe bgose, ndiɗire pamsoro paʋo hasha dzaŋgu, iko kutsamŋa kwaŋgu kukuru; nokuti nyika yose icapedzwa nomŋoto wegoɗo raŋgu.
9
Nokuti neŋguʋa iyo ndicaʋigira ʋanhu rurimi rwakacena, kuti ʋose ʋaɗane zita raJehova, ʋamushumire nomŋoyo mumŋe.
10
Ʋanamati ʋaŋgu, iye mukunda waʋanhu ʋaŋgu ʋakaparadzirwa, ʋacandiʋigira cipiriso caŋgu ʋacibva mhiri kwenzizi dzeEtiopia.
11
Nezuʋa iro hauŋganyadziswi pamsoro pamaɓasa ako ose, awakandiɗarikira nawo; nokuti neŋguʋa iyo ndicabvisa pakati pako ʋanhu ʋako ʋanofarisisa ʋaciɀikudza; hauŋgazoʋi namanyawi pagomo raŋgu tȿene.
12
Asi ndicarega mukati mako ʋanhu ʋanotambudzika naʋarombo; iʋo ʋacaʋimba nezita raJehova.
13
Ʋakasara ʋaIsraeri haʋaŋgaiti ɀakaipa, kana kureʋa nhema; rurimi runonyeŋgera haruŋgawanikwi mumiromo yaʋo; nokuti ʋacafura nokuʋata pasi, hakuna‐uŋgaʋatyisa.
14
Imba, iwe mukunda weZioni, pururudza, iwe Israeri; fara ufarisise nomŋoyo wako wose, iwe mukunda weJerusarema.
15
Jehova wakabvisa ɀawakatoŋgerwa, wakadziŋga muʋeŋgi wako; mambo waIsraeri, iye Jehova, uri pakati pako, hauŋgazoʋoni ɀe ɀakaipa.
16
Nezuʋa iro ʋacati kuJerusarema: Usatya hako iwe; iwe Zioni, maʋoko ako ŋgaarege kushaiwa simba.
17
Jehova Mŋari wako uri mukati mako, iye unesimba, ucaponesa; ucakufarira nomufaro; ucanyarara paruɗo rwake; ucakufarira nokupururudza.
18
Ndicaʋuŋganidza ʋanocemera ʋuŋgano yakatarwa, iʋo ʋaibva kwamuri, ʋairemerwa nokuɀidzwa kwaʋo.
19
Tarirai, neŋguʋa iyo ndicatoŋga ʋose ʋanokumanikidza, ndicaponesa ʋanokamhina, nokuʋuŋganidza ʋakadziŋgwa; ndicaʋaitira mbiri nezita rakanaka, iʋo ʋainyadziswa panyika yose.
20
Neŋguʋa iyo ndicakuʋuyisai, neŋguʋa iyo ndicakuʋuŋganidzai, nokuti ndicakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika, kana ndicidzosa kutapxa kwenyu, imi muciɀiʋona — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3