bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Kings 10
1 Kings 10
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 11 →
1
Zvino mambokadzi weShebha, wakati anzwa mbiri yaSoromoni pamusoro pezita raJehovha, akauya kuzomuidza nemibvunzo mikukutu.
2
Akasvika Jerusaremu navanhu vazhinji namakamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji‐zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino wakati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zvaiva mumwoyo make.
3
Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa mambo, chaakanga asingagoni kumuudza.
4
Zvino mambokadzi weShebha wakati aona kungwara kwose kwaSoromoni, neimba yaakanga avaka,
5
nezvokudya zvaiva patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguo dzavo, navadiri vake, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya.
6
Akati kuna mambo, “Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri razvokwadi.
7
Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa.
8
“Varume venyu vane mufaro, navaranda venyu ava vanomufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.
9
Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro choushe chaIsiraeri; Jehovha wakada Isiraeri nokusingaperi, saka wakakuitai mambo kuti mutonge nokururamisa.”
10
Akapa mambo matarenda ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; zvinonhuwira zvakawanda zvakadai, zvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha, hazvina kuzouyiswazve.
11
Zvikepe zvaHiramu, zvaibva Ofiri nendarama, zvaiuyawo nemiti yemiarimugi nezvibwe zvinokosha zvaibva Ofiri.
12
Mambo akaita namatanda iwayo emiarimugi mbiru dzeimba yaJehovha, nedzeimba yamambo, uye mbira, nemitengeranwa zvavaimbi; miti yemiarimugi yakadai haina kumbouyiswa kana kuonekwa kusvikira nhasi.
13
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakapiwa naSoromoni zvepfuma yake zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.
14
Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenda ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;
15
vasingaverengi iyo yaiuya navashambadziri, neyaiuya nokutenga kwavatengesi, neyaibva kumadzimambo ose endudzi dzakavengana, nokuvabati venyika.
16
Mambo akaita nhoo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhoo imwe neimwe yakanga yakaitwa namashekeri ana mazana matatu endarama;
17
akaitawo nhoo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama, yakasvika mapaundi matatu pakurema, yaiiswa panhoo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.
18
Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka.
19
Chigaro icho choushe chaiva nezvikwiriso zvitanhatu, uye musoro wechigaro wakanga wakatenderedzwa shure kwacho; kwaiva nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, uye shumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzechitsigiro.
20
Kwaiva neshumba gumi nembiri dzakanga dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri‐mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kunohumwe ushe.
21
Mikombe yose yokunwira nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, uye midziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; kwakanga kusine chinhu chimwe chesirivha; iyo yainzi haino murimo pamazuva aSoromoni.
22
Nokuti mambo waiva nezvikepe zveTarishishi pagungwa pamwechete nezvikepe zvaHiramu; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwe pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha, nenyanga dzenzou, netsoko, namatendera.
23
Naizvozvo mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakupfuma nokuchenjera.
24
Vanhu venyika dzose vaiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naJehovha mumwoyo make.
25
Mumwe nomumwe waiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nenguo, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvinonhuwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe.
26
Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; wakanga ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa kumaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu.
27
Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu, ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semiwonde yaiva pamapani.
28
Mabhiza aSoromoni aaiva nawo aibva, Ijipiti; vatengesi vamambo vaindoatorako, vachiita mapoka‐mapoka, boka rimwe nerimwe rinomutengo waro.
29
Ngoro imwe neimwe yaibva Ijipiti, yaitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, uye bhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria, aivigirwa izvozvo navo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22