bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Kings 4
1 Kings 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 5 →
1
Zvino mambo Soromoni wakanga ari mambo wavaIsiraeri vose.
2
Ndiwo machinda aiva nawo: Azaria mwanakomana waZadhoki waiva mupristi;
3
Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha, vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira.
4
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, waiva mukuru wehondo, Zadhoki naAbhiatari vaiva vapristi;
5
Azaria mwanakomana waNatani, waiva mukuru wavatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani waiva mupristi, shamwari yamambo.
6
Abhishari waiva mutariri weimba; Adhoniramu mwanakomana waAbhidha, waiva mutariri wechibharo.
7
Soromoni waiva navatariri vane gumi navaviri vairaira vaIsiraeri vose, vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya; mumwe nomumwe waifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe gore rimwe nerimwe.
8
Ndiwo mazita avo: Bhehuri, munyika yamakomo yaEfuremu;
9
naBhenedhekeri paMakazi, napaSharibhimi, neBhetishemeshi, neEronibhetihananai;
10
naBhenihesedhi paArubhoti; iye wakanga ane Shoko, nenyika yose yeHeferi;
11
naBheniabhinadhabhi panyika yose yeDhori; mukadzi wake wakanga ari Tafati, mukunda waSoromoni;
12
naBhaana mwanakomana waAhirudhi, paTaanaki neMegidho, nenyika yose yeBhetisheani, iri parutivi rweZaretani, pazasi peJezereri, kubva paBhetisheani kusvikira paAbherimehora seri kweJokimeami;
13
naBhenigebheri paRamotigireadhi; iye wakanga ane misha yaJairi, mwanakomana waManase, yaiva paGireadhi; iye wakanga ane nyika yeArigobhi, iri paBhashani, maguta makumi matanhatu aiva namasvingo namazariro endarira;
14
naAhinadhabhi mwanakomana waIdho, paMahanaimi;
15
naAhimaazi paNafitari; iye wakanga awanawo Bhasemati mukunda waSoromoni;
16
naBhaana mwanakomana waHushai, paAsheri neBhearoti;
17
naJosafati mwanakomana waParua, paIsakari;
18
naShimei mwanakomana waEra, paBhenjamini;
19
naGebheri mwanakomana waUri, waiva panyika yeGireadhi, nyika yaSihoni, mambo wavana vaAmori neyaOgi, mambo weBashani; iye wakanga ari mutariri mumwe woga panyika iyo.
20
VaJudha navaIsiraeri vakanga vari vazhinji, vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakanwa, vakafara.
21
Zvino Soromoni wakabata ushe hwose, kubva paRwizi kusvikira kunyika yavaFirisitia, nokusvikira kumuganhu weIjipiti; vanhu vakauya nezvipo, vakashumira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.
22
Zvokudya zvaSoromoni zvezuva rimwe zvaiva zviyero zvina makumi matatu zvoupfu hwakatsetseka nezviyero zvina makumi matanhatu zvoupfu;
23
nenzombe dzina makumi maviri dzokumafuro, namakwai ane zana, nenondo, nemhara, nemhembwe, neshiri dzakakodzwa.
24
Nokuti wakabata ushe panyika yose nechokuno kwoRwizi, kubva paTifisa kusvikira paGaza, namadzimambo ose aiva nechokuno kwoRwizi; akava norugare kunhivi dzose dzakanga dzakamupoteredza.
25
VaJudha navaIsiraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomudzambiringa wake napasi pomuwonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, mazuva ose aSoromoni.
26
Soromoni wakanga ane zvidyiro zvine zviuru zvina makumi mana zvamabhiza engoro dzake, navatasvi vane zviuru zvine gumi nezviviri.
27
Vatariri ava vaitsvakira mambo Soromoni zvokudya, navose vaidya patafura yamambo Soromoni, mumwe nomumwe nomwedzi wake; havana kushaisa chinhu chimwe.
28
Nebhari nouswa hwamabhiza namabhiza aimhanyisa vakauya nazvo panzvimbo yakafanira, mumwe nomumwe sezvaakanga arairwa.
29
Mwari akapa Soromoni kungwara nokunzwisisa kukuru, nomwoyo wakaziva zvakanaka, zvakafanana nejecha riri pamhenderekedzo yegungwa.
30
Kungwara kwaSoromoni kwakapfuura kungwara kwavana vamabvazuva, nokungwara kwose kwavaIjipiti.
31
Nokuti wakapfuura vanhu vose nokungwara; wakakunda Etani muEzirahi, naHemani, naKarikori, naDharidha, vana vaMahori; mukurumbira wake ukasvika kundudzi dzose dzakanga dzakavapoteredza.
32
Wakataurawo shumo dzine zviuru zvitatu, uye nziyo dzake dzakasvika chiuru chimwe neshanu.
33
Akataura zvemiti, kubva pamisidhari iri paRebhanoni kusvikira pamuhisopi unomera parusvingo; akataurawo zvemhuka, neshiri, nezvinokambaira, nehove.
34
Vanhu vamarudzi ose vakauya kuzonzwa kungwara kwaSoromoni, vakabva kumadzimambo ose enyika, vakanga vanzwa zvokungwara kwake.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22