bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Timothy 3
2 Timothy 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika.
2
Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene,
3
vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka,
4
vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari;
5
vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasa simba rako; ufuratire vanhu ivavawo.
6
Nokuti pakati pavo varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi zvakaremedzwa nezvivi, zvinokwewa nokuchiva kuzhinji,
7
zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika pakuziva chokwadi.
8
Janesi naJambiresi sezvavakadzivisa Mosesi, saizvozvo ivo vanodzivisa chokwadi, vari vanhu vane ndangariro dzakaodzwa, vakarasika pakutenda.
9
Asi havachapfuuriri mberi, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navose, sezvakazoita hwavo.
10
Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambiro, nokufunga, nokutenda, nomwoyo murefu, norudo, nokutsungirira,
11
namadambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAndioki, napaIkonio, napaRisitira; madambudziko makuru sei andakanzwa; pazvinhu izvozvo zvose Ishe akandisunungura.
12
Zvino, navose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa.
13
Asi vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.
14
Asi iwe, rambira pane zvawakadzidza nezvawakatendiswa, uzive kuti wakazvidzidza kuna ani,
15
kuti kubvira paucheche hwako wakaziva Magwaro Matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa nokutenda kuri muna Kristu Jesu.
16
Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama,
17
kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4