bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Timothy 4
2 Timothy 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Ndinokupupurira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, iye achatonga vapenyu navakafa pakuonekwa kwake noushe hwake;
2
paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; rayira, tuka, ranga nomwoyo murefu zvikuru nokudzidzisa.
3
Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachazviunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo,
4
vachifuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitsaukira kungano.
5
Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa romuvhangeri, upedzise basa rako kwazvo.
6
Nokuti ini ndotodururwa, nguva yokuenda kwangu yasvika.
7
Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda;
8
kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naIshe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vakada kuonekwa kwake.
9
Shingaira kuti ukurumidze kuuya kwandiri.
10
Nokuti Dhemasi akandisiya, akada nyika yazvino, akaenda Tesaronika; Kiresenzi akaenda Garatiya, naTito akaenda Dharimatia.
11
Ruka oga aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo pabasa.
12
Asi Tikiko ndakamutuma Efeso.
13
Nguo yandakasiya paTiroa kuna Karipo, uuye nayo pakuuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatehwe.
14
Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva paakaita napo;
15
newewo umuchenjere, nokuti akadzivisa zvikuru mashoko edu.
16
Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga kwakanga kusina munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi.
17
Asi Ishe akamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba.
18
Ishe achandirwira pamabasa ose akaipa, achandiponesa ndipinde ushe hwake hwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.
19
Ndikwazisirei Pirisika naAkwira, neimba yaOnesiforo.
20
Erasito akasara paKorinde, asi Tirofimo ndakamusiya paMireto achirwara.
21
Shingaira kuuya, chando chisati chasvika. Yubhuro, naPudhe, naRino, naKiraudhiya nehama dzose vanokukwazisa.
22
Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive nemi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4