bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Judges 11
Judges 11
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 12 →
1
Zvino Jefuta muGireadhi, wakanga ari munhu ane simba noumhare, asi wakanga ari mwanakomana wechifeve; Gireadhi ndiye wakabereka Jefuta.
2
Mukadzi waGireadhi akamuberekera vanakomana; zvino vanakomana vomukadzi wake vakati vakura, vakadzinga Jefuta, vakati kwaari, “Haungadyi nhaka mumba mababa vedu, nokuti uri mwanakomana womumwe mukadzi.”
3
Ipapo Jefuta akatiza vanunguna vake, akandogara panyika yeTobhi; varume vakaipa vakaunganira kuna Jefuta, vakasibuda naye kundorwa.
4
Zvino nguva yakati yapfuura, vana vaAmoni vakandorwa navaIsiraeri,
5
Zvino vana vaAmoni vakati vorwa navaIsiraeri, vakuru veGireadhi vakandotora Jefuta panyika yeTobhi.
6
Vakati kuna Jefuta, “Uya, uve ishe wedu, kuti tindorwa navana vaAmoni.”
7
Jefuta akati kuvakuru veGireadhi, “Hamuna kundivenga mukandidzinga mumba mababa vangu here? Zvino mauyireiko kwandiri, zvamava munjodzi?”
8
Vakuru veGireadhi vakati kuna Jefuta, “Naizvozvo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa navana vaAmoni, iwe ugova mukuru wedu nowavose vagere Gireadhi.”
9
Jefuta akati kuvakuru veGireadhi, “Kana muchindidzosa kuti ndirwe navana vaAmoni, kana Jehovha akavaisa mumaoko angu, ndichava mukuru wenyu here?”
10
Vakuru veGireadhi vakati kuna Jefuta, “Jehovha ngaave chapupu pakati pedu; zvirokwazvo tichaita sezvawataura iwe.”
11
Zvino Jefuta akaenda navakuru veGireadhi, vanhu vakamuita mukuru nashe wavo; Jefuta akataura mashoko ake ose pamberi paJehovha paMizipa.
12
Zvino Jefuta akatuma nhume kuna mambo wavana vaAmoni, akati, “Mhosva yako ndeyeiko, zvawauya kuzorwa neni nenyika yangu?”
13
Mambo wavana vaAmoni akapindura nhume dzaJefuta, akati, “Nokuti vaIsiraeri vakatora nyika yangu, nguva yavakabva Ijipiti, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki neJorodhani; saka zvino chidzosai nyika idzo norugare.”
14
Ipapo Jefuta akatumazve nhume kuna mambo wavana vaAmoni,
15
akati kwavaari, “Zvanzi naJefuta, ‘VaIsiraeri havana kutora nyika yaMoabhu, kana nyika yavana vaAmoni;
16
asi panguva yakakwira vaIsiraeri vachibva Ijipiti, vakafamba murenje kusvikira paGungwa Dzvuku, vakasvika paKadheshi,’
17
vaIsiraeri vakatuma nhume kuna mambo waEdhomu, vachiti, ‘Nditenderei henyu kupfuura napanyika yenyu;’ asi mambo waEdhomu wakaramba kunzwa. Saizvozvo akatumawo nhume kuna mambo waMoabhu; asi iye wakaramba; zvino vaIsiraeri vakagara paKadheshi.
18
Ipapo vakafamba nomurenje, vakapota nyika yaEdhomu nenyika yaMoabhu, vakaenda nokumabvazuva enyika yaMoabhu, vakadzika matende avo nechemhiri kwaArinoni; asi havana kudarika muganhu waMoabhu, nokuti Arinoni waiva muganhu waMoabhu.
19
Ipapo vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, mambo weHeshibhoni; vaIsiraeri vakati kwaari, ‘Titenderei henyu kupfuura napanyika yenyu, kusvikira panzvimbo yedu.’
20
Asi Sihoni haana kutenda vaIsiraeri kuti vadarike muganhu wake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akandodzika matende ake paJahazi, akarwa navaIsiraeri.
21
Zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakavauraya; naizvozvo vaIsiraeri vakatora nyika yose yavaAmori, vakanga vagere munyika iyo, ikava yavo.
22
Nyika yose yavaAmori ikava yavo, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kubva kurenje, kusvikira paJorodhani.
23
Saka zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri ndiye wakatorera vaAmori nyika yavo pamberi pavanhu vake vaIsiraeri, zvino imi moda kuvatorerazve here?
24
Ko imi hamungatori izvo zvamunopiwa namwari wenyu Kemoshi here, nesuo titore nyika yavose vanodzingwa pamberi pedu naJehovha Mwari wedu?
25
Ko zvino imi makanaka kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu here? Iye wakatongopopotera vaIsiraeri, kana kurwa navo here?
26
Nguva yakagara vaIsiraeri paHeshibhoni nemisha yaro, napaAroeri nemisha yaro, napamaguta ose ari parutivi rwaArinoni, makore ana mazana matatu, makaregereiko kuvatorera nyika iyo nenguva iyo?
27
Naizvozvo ini handina kukutadzira, asi ndiwe unondiitira zvakaipa, uchida kurwa neni; Jehovha, iye Mutongi, ngaatonge nhasi pakati pavana vaIsiraeri navana vaAmoni.”
28
Asi mambo wavana vaAmoni haana kuterera mashoko aJefuta, aakatuma kwaari.
29
Zvino Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta, akapfuura kunyika yaGireadhi neyaManase, akapfuurawo napaMizipa paGireadhi, akabva paMizipa paGireadhi, akapfuura kuvana vaAmoni.
30
Jefuta akapikira Jehovha mhiko, akati, “Kana mukaisa vana vaAmoni mumaoko angu,
31
ipapo ani naani unobuda pamikova yeimba yangu kuzosongana neni, musi wandinodzoka norugare ndichibva kuvana vaAmoni, uchava waJehovha; ndichauya naye, chive chipiriso chinopiswa.”
32
Ipapo Jefuta akapfuurira kuvana vaAmoni, akandorwa navo; Jehovha akavaisa mumaoko ake.
33
Akavaparadza nokuparadza kukuru kwazvo, kubva paAroeri kusvikira paMiniti, maguta ana makumi maviri, nokusvikira paAbherikeramimi. Vana vaAmoni vakakundwa saizvozvo pamberi pavana vaIsiraeri.
34
Jefuta akasvika paMizipa paimba yake, zvino tarira, mukunda wake akabuda kuzosangana naye namakandira, nokupembera. Iye wakanga ari mwana wake mumwe chete, wakanga asina mumwe mwana kunze kwake, kana mwanakomana, kana mwanasikana.
35
Zvino wakati achimuona, akabvarura nguo dzake, akati, “Haiwa! Mukunda wangu! Iwe wandionesa nhamo kwazvo, iwe uri pakati pavanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, handingagoni kudzoka.”
36
Iye akati, “Baba vangu, makashamisa muromo wenyu kuna Jehovha; ndiitirei henyu sezvamakataura, nokuti Jehovha wakakutsivirai kwazvo vavengi venyu, ivo vana vaAmoni.”
37
Akati kuna baba vake, “Nditenderei henyu chinhu ichi: Nditenderei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndicheme umhandara hwangu, ini neshamwari dzangu.”
38
Ivo vakati, “Chienda hako.” Akamutendera mwedzi miviri; akaenda, iye neshamwari dzake, akandochema umhandara hwake kumakomo.
39
Zvino mwedzi miviri yakati yapera, akadzokera kuna baba vake, ivo vakamuitira sezvavakanga vapika; wakanga asina kuziva murume. Ikazova tsika pakati pavaIsiraeri,
40
kuti vakunda vaIsiraeri vaende makore ose mazuva mana pagore kundochema mukunda waJefuta muGireadhi.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21