bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Judges 20
Judges 20
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
1
Zvino vana vaIsiraeri vose vakabuda, ungano yose ikaungana nomwoyo mumwe kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, pamwechete nenyika yeGireadhi, kuna Jehovha paMizipa.
2
Madzishe avanhu vose, ivo vamarudzi ose avaIsiraeri, vakandomira paungano yavanhu vaMwari, vakanga vane zviuru zvina mazana mana zvavanhu vaifamba namakumbo, vaigona kurwa nomunondo.
3
(Zvino vana vaBhenjamini vakanga vanzwa kuti vaIsiraeri vakwira Mizipa.) Vana vaIsiraeri vakati, “Tiudzei kuti zvakashata izvi zvakaitwa sei?”
4
Zvino muRevhi, murume womukadzi wakanga aurawa, akapindura, akati, “Ndakanga ndasvika paGibhea ravaBhenjamini ndinomurongo wangu, kuti tavatepo.
5
Varume veGibhea vakandimukira, vakakomba imba usiku kuzorwa neni, vakanga vachida kundiuraya ini, uye murongo wangu vakamuchinya, akafa.
6
Ipapo ndikatora murongo wangu, ndikamudimuranya, ndikamutuma kunyika yose yenhaka yaIsiraeri, nokuti vakaita zvinonyangadza nezvoupenzi pakati paIsiraeri.
7
Tarirai, imi vana vaIsiraeri, imi mose, mutipei zano nomurangariro wenyu pano.”
8
Ipapo vanhu vose vakasimuka nomwoyo mumwe, vakati, “Hakuna mumwe wedu ungaenda kutende rake, hakuna mumwe wedu ungadzokera kumba kwake.
9
Asi tichaitira vanhu veGibhea chinhu ichi: Tichandorwa navo, sezvatinoratidzwa nemijenya.
10
Tichatora varume vane gumi pazana rimwe nerimwe ramarudzi ose avaIsiraeri, navane zana pachiuru chimwe nechimwe, navane chiuru pazviuru zvine gumi zvimwe nezvimwe, vandotorera vanhu mbuva, kuti kana vachisvika paGibhea ravaBhenjamini vavaitirer zvakaenzana noupenzi hwavakaita pakati paIsiraeri.”
11
Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakaungana paguta vano mwoyo mumwe.
12
Zvino marudzi avaIsiraeri akatuma varume kurudzi kwose rwaBhenjamini, vakati, “Izvi zvakashata zvakaitwa pakati penyu ndezveiko?
13
Saka zvino tipei varume avo, vanhu vakaisvoipa, vari paGibhea, tivauraye, tibvise zvakaipa pakati paIsiraeri;” asi vana vaBhenjamini vakaramba kuterera izwi rehama dzavo, ivo vana vaIsiraeri.
14
Vana vaBhenjamini vakabva kumaguta vakaungana paGibhea, kuti varwe navana vaIsiraeri.
15
Vana vaBhenjamini vakanga vabva kumaguta vakaverengwa musi uyo vakasvika varume vane zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu, vaigona kurwa nomunondo; zvino vakanga vagere Gibhea havana kuverengwa, ivo vakasvika varume vana mazana manomwe vakasanangurwa.
16
Pakati pavanhu ava vose kwakanga kuna varume vana mazana manomwe vakasanangurwa, vakanga vane zviboshwe; mumwe nomumwe wavo waigona kurova ruvhudzi nebwe asingaposhi.
17
Zvino varume vaIsiraeri, kunze kwavaBhenjamini, vakaverengwa, vakasvika varume vane zviuru zvina mazana mana, vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varwi.
18
Vana vaIsiraeri vakasimuka, vakaenda Bhetieri, vakandobvunza zano kuna Mwari, vakati, “Ndianiko kwatiri unofanira kutanga kundovamba vana vaBhenjamini?” Jehovha akati, “Judha ndiye anofanira kutanga.”
19
Zvino vana vaIsiraeri vakamuka mangwanani, vakandodzika matende avo kuzorwa naveGibhea.
20
Varume vaIsiraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini; varume vaIsiraeri vakarongedza hondo kuzorwa navo paGibhea.
21
Vana vaBhenjamini vakabuda paGibhea, vakaurayira pasi nomusi iwoyo varume vaIsiraeri vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
22
Ipapo vanhu, varume vaIsiraeri, vakazvisimbisa, vakarongedzazve hondo pavakanga vairongedza nezuva rokutanga.
23
(Vana vaIsiraeri vakakwira, vakandochema kuna Jehovha kusvikira madekwana; vakabvunza Jehovha, vakati, “Tinofanira kuswederazve kundorwa nehama dzedu, vana vaBhenjamini, here?” Jehovha akati kwavari, “Kwirai, mundorwa navo.”)
24
Zvino vana vaIsiraeri vakaswedera kuzorwa navana vaBhenjamini nezuva repiri.
25
VaBhenjamini vakabuda paGibhea kuzorwa navo nezuva repiri, vakaurayira pasi varume vavana vaIsiraeri vane zviuru zvine gumi nezvisere; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
26
Zvino vana vaIsiraeri vose navanhu vose vakakwira vakasvika paBheti-eri, vakachema vakagarapo pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya zuva iro kusvikira madekwana; vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha.
27
Vana vaIsiraeri vakabvunza Jehovha, (nokuti areka yesungano yaMwari yakanga iripo pamazuva iwayo.
28
NaPinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, wakamira pamberi payo namazuva iwayo), vakati, “Tinofanira kubudazve kundorwa nehama dzedu, ivo vana vaBhenjamini, kana tirege here?” Jehovha akati, “Kwirai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”
29
VaIsiraeri vakaisa vanhu kuvandira Gibhea kunhivi dzose.
30
Vana vaIsiraeri vakandorwa navana vaBhenjamini nezuva retatu, vakazvirongedza kundorwa neGibhea sapane dzimwe nguva.
31
Vana vaBhenjamini vakabuda kuzorwa navanhu, vakanyengerwa nokubuda kure neguta; vakatanga sapane dzimwe nguva kubaya nokuuraya vamwe vanhu panzira huru mbiri, imwe yaikwira ichienda Bheti-eri, neimwe Gibhea, kusango, vakauraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu.
32
Zvino vana vaBhenjamini vakati, “Vakundwa nesu sapakutanga.” Asi vaIsiraeri vakati, “Ngatitize, tivanyengere vabude kunzira huru dziri kure neguta.”
33
Varume vose vaIsiraeri vakasimuka kwavakanga vari, vakazvirongedza paBhaari-tamari; uye vaIsiraeri, vakanga vakavandira, vakakurumidza kubuda kwavakanga vari, paMaare-gebha;
34
vakabuda pakatarisana neGibhea vaiva varume vane zviuru zvine gumi vakanga vakasanangurwa pakati pavaIsiraeri vose, kurwa kukanyanya kwazvo; asi vakanga vasingazivi kuti njodzi yava pedyo.
35
Zvino Jehovha akaparadza Bhenjamini pamberi paIsiraeri, vana vaIsiraeri vakaparadza nomusi iwoyo varume vaBhenjamini vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvishanu nezana rimwe; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
36
Ipapo vana vaBhenjamini vakaona kuti vakundwa; nokuti varume vaIsiraeri vakatiza pamberi paBhenjamini, nokuti vakanga vachivimba navanhu vakanga vaiswa kuvandira paGibhea.
37
Zvino vavandiri vakakurumidza, vakamhanyira Gibhea; vavandiri vakapfuura, vakaparadza guta rose neminondo inopinza.
38
Zvino varume vaIsiraeri navavandiri vakanga vatenderana pamusoro pechiratidzo, kuti vachamutsa gore guru routsi rinobva muguta.
39
Varume vaIsiraeri vakatendeuka pakurwa kwavo, vaBhenjamini vakatanga kubaya nokuuraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu; nokuti vakati, “Zvirokwazvo, vakundwa nesu sapakurwa kwokutanga.”
40
Asi gore rakati rotanga kukwira richibva muguta, seshongwe youtsi, vaBhenjamini vakacheuka, vakaona guta rose richipfungairira kudenga.
41
Varume vaIsiraeri vakadzoka, varume vaBhenjamini vakavhunduswa, nokuti vakaona kuti vawirwa nenjodzi.
42
Ipapo vakatiza pamberi pavarume vaIsiraeri, vakamhanya nenzira inoenda kurenje; asi hondo yakavatevera, uye vakanga vachibva mumaguta vakavauraya pakati pawo.
43
Vakakomba vaBhenjamini kunhivi dzose, vakavadzinga ndokuvabata pavakazorora kusvikira pakatarisana neGibhea kumabvazuva.
44
Vane zviuru zvine gumi nezvisere vaBhenjamini vakaurawa; avo vose vakanga vari varume voumhare.
45
Vakatendeuka, ndokutizira kurenje kudombo reRimoni; vakauraya vamwe vavo panzira huru varume vane zviuru zvishanu; vakavatevera kusvikira paGidhomi, vakauraya pakati pavo varume vane zviuru zviviri.
46
Naizvozvo varume vaBhenjamini, vakaurawa nezuva iro, vakanga vane zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, varume vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varume voumhare.
47
Asi varume vana mazana matanhatu vakatendeuka, vakatizira kurenje padombo reRimoni, vakagara padombo reRimoni mwedzi mina.
48
Varume vaIsiraeri vakadzokerazve kuvana vaBhenjamini, vakavauraya neminondo inopinza, guta rose, nemombe, nezvose zvavakawanapo; vakapisawo maguta ose avakawana.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21