bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Zephaniah 1
Zephaniah 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Shoko raJehovha, rakasvika kuna Zefaniya, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedharia, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, namazuva aJosia, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha.
2
“Ndichaparadza chose zvinhu zvose zviri pasi pose ndizvo zvinotaura Jehovha.
3
Ndichaparadza vanhu nezvipfuwo; ndichaparadza shiri dzokudenga, nehove dzegungwa, nezvigumbuso pamwechete navakaipa; ndichabvisa vanhu pasi pose ndizvo zvinotaura Jehovha.
4
“Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusaremu; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwechete navapristi;
5
navanonamata hondo dzokudenga pamatenga edzimba, navanamati, vanopika naJehovha vachipikawo naMarikami;
6
navakadzoka pakutevera Jehovha, navasina kutsvaka Jehovha kana kumubvunza.
7
“Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nokuti zuva raJehovha rava pedyo; vakakokwa naye wakavaita vatsvene.
8
Zvino nezuva rechibayiro chaJehovha ndicharova machinda navanakomana vamambo, navose vakapfeka nguo dzavatorwa.
9
Nezuva iro ndicharova vose vanodarika chikumbaridzo, vanozadza imba yatenzi wavo nokupambara nokunyengera.
10
“Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuchanzwika mhere inobva pasuo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo.
11
Chemai imi mugere Makiteshi; nokuti vanhu vose veKenani vapera, vose vakanga vakapfuma sirivha vabviswa.
12
Zvino nenguva iyo ndichanzvera Jerusaremu nemwenje; ndicharova varume vagere pamasese avo, vanoti mumwoyo yavo, ‘Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa.’
13
Pfuma yavo ichaitwa zvakapambwa, nedzimba dzavo matongo; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, asi havangagarimo; vachasima minda yemizambiringa, asi havanganwi waini yayo.
14
“Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo, iro izwi rezuva raJehovha; mhare inochemapo zvikuru kwazvo.
15
Zuva iro izuva rokutsamwa, zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva ramakore nerezarima guru,
16
zuva rehwamanda neremhere, zvinoridzirwa maguta akakomberedzwa namasvingo neshongwe dzakakwirira.
17
“Ndichauyisira vanhu kumanikidzwa, kuti vafambe samapofu, nokuti vakatadzira Jehovha; ropa ravo richadururwa seguruva, nenyama yavo sendove.
18
“Sirivha yavo kunyange ndarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; asi nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rake; nokuti achapedza, zvirokwazvo achapedza zvinotyisa, vose vagere panyika.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3