bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Zephaniah 2
Zephaniah 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
“Unganai, zvirokwazvo unganai, imi rudzi rusinganyari;
2
chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu.
3
Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.
4
“Nokuti Gaza richasiyiwa, Ashikeroni richaitwa dongo; vachadzinga Ashidhodhi masikati makuru, Ekironi richadzurwa.
5
Vane nhamo vagere panyika iri pagungwa, irwo rudzi rwavaKeteti! Shoko raJehovha rinokutuka, iwe Kenani, nyika yavaFirisitia; ndichakuparadza, kuti parege kuzova anogarapo.
6
Mhenderekedzo dzegungwa dzichava mafuro ana mapako avafudzi nezvirugu zvamakwai.
7
Mhenderekedzo dzichava dzavakasara veimba yaJudha; vachafudzapo makwai avo; vachavata pasi madekwana mudzimba dzeAshikeroni; nokuti Jehovha Mwari wavo achavashanyira nokudzosa kutapwa kwavo.
8
“Ndakanzwa kuzvidzwa kwaMoabhi, nokutuka kwavana vaAmoni, kwavakazvidza nako vanhu vangu, vachiita manyawi pamuganho wavo.
9
Naizvozvo noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Zvirokwazvo, Moabhi vachaita seSodhoma, navana vaAmoni seGomora, nyika yorukato, namakomba omunyu, namatongo nokusingaperi;’ vanhu vangu vakasara vachavaita chinhu chakatapwa, vakasara vorudzi rwangu vachavagara nhaka.
10
“Ndizvo zvavachapiwa nokuda kwokuzvikudza kwavo, nokuti vakazvidza vanhu vaJehovha wehondo nokuzvikudza kwavari.
11
Jehovha achavatyisa kwazvo, nokuti achaparadza vamwari vose venyika; vanhu vachamunamata iye, mumwe nomumwe achibva panzvimbo yake, naizvo zviwi zvose zvendudzi.
12
“Nemiwo veItiopia, muchaurawa nomunondo wangu.
13
Achatambanudzira ruoko rwake kurutivi rwokumusoro, ndokuparadza Asiria; Ninivhe achariita dongo, riome serenje.
14
Zvipfuwo zvichavata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenungu zvichavata pamisoro yembiru dzaro; izwi rokurira kwazvo richanzwika pamawindo; kuparadzwa kuchavapo pazvikumbaridzo; nokuti wakafukunura zvakavezwa zvemisidhari.
15
Iri ndiro guta raigara nomufaro risina hanya, raiti mumwoyo maro, ‘Ndini, hakuchino mumwe kunze kwangu!’ Haiwa, raitwa dongo sei, nzvimbo inovata mhuka! Mumwe nomumwe anopfuura napo acharidza muridzo, achizunungusa ruoko rwake.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3