bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Hosea 14
Hosea 14
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
1
Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako. Zvivi zvako ndizvo zvakakonzera kuwa kwako!
2
Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose mutigamuchire nenyasha, kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.
3
Asiria haangatiponesi; hatingatasvi mabhiza ehondo. Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, nokuti nherera dzinowana nyasha mamuri.”
4
“Ndichaporesa kusateerera kwavo uye ndichangovada hangu, nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.
5
Ndichava sedova kuna Israeri, achatunga seruva remahapa. Somusidhari weRebhanoni achadzikisa midzi yake;
6
mabukira ake achakura. Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi, kunhuwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni.
7
Vanhu vachagarazve mumumvuri wake. Achararama sezviyo. Achatunga maruva somuzambiringa, uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.
8
Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo? Ndichamupindura uye ndichamuchengeta. Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira; kubereka kwako kunobva kwandiri.”
9
Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi. Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa. Nzira dzaJehovha dzakarurama; vakarurama vanofamba madziri, asi vatadzi vanogumburwa madziri.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14