bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Hosea 6
Hosea 6
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 7 →
1
“Uyai tidzokere kuna Jehovha. Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu, asi achatiporesa; akatikuvadza, asi achasungazve mavanga edu.
2
Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza, pazuva rechitatu achatidzorazve, kuti tirarame pamberi pake.
3
Ngatimuzivei iye Jehovha; ngatishingairirei kumuziva. Zvirokwazvo sokubuda kwezuva, iye achaonekwa; achauya kwatiri semvura yomuchando, semvura yebumharutsva inodiridza nyika.”
4
“Ndichaiteiko newe, Efuremu? Ndichaiteiko newe, Judha? Rudo rwenyu rwakafanana nemhute yamangwanani, sedova ramangwanani rinopera.
5
Naizvozvo ndinokugurai ndichikuitai zvidimbu zvidimbu navaprofita vangu, ndakakuurayai namashoko omuromo wangu, kutonga kwangu kwakapenya semheni kwamuri.
6
Nokuti ndinoda ngoni, kwete zvibayiro, nokuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.
7
SaAdhamu, vakaputsa sungano, vakanga vasina kutendeka kwandiri ipapo.
8
Gireadhi iguta ravanhu vakaipa, rakasvibiswa norunyoro rwetsoka dzeropa.
9
Samakororo anovandira munhu, ndizvo zvinoita boka ravaprista. Vanouraya vanhu panzira inoenda kuShekemu, vachipara mhosva dzinonyadzisa.
10
Ndakaona chinhu chakaipa kwazvo muimba yaIsraeri. Imomo Efuremu anoita ufeve uye Israeri anosvibiswa.
11
“Nokwauriwo iwe, Judha, kukohwa kwatarwa, pose pandichadzorera maropafadzo avanhu vangu.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14