bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Joshua 12
Joshua 12
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
1
Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha:
2
Sihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni. Aitonga kubva kuAroeri kumucheto woMupata weAnoni, kubva pakati pomupata, kusvikira kuRwizi rweJabhoki, unova muganhu wavaAmori. Izvi zvaisanganisira hafu yeGireadhi.
3
Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga.
4
Nenyika yaOgi mambo weBhashani, mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei.
5
Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGeshiri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni.
6
Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi norudzi rwehafu rwaManase kuti ive nhaka yavo.
7
Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rakakwirira richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo,
8
nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, nenyika yavaHivhi navaAmori, navaKenani, navaPerizi navaJebhusi):
9
mambo weJeriko mumwe — chete namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe — chete
10
mambo weJerusarema mumwe — chete mambo weHebhuroni mumwe — chete
11
mambo weJarumuti mumwe — chete mambo weRakishi mumwe — chete
12
mambo weEgironi mumwe — chete mambo weGezeri mumwe — chete
13
mambo weDhebhiri mumwe — chete mambo weGedheri mumwe — chete
14
mambo weHoma mumwe — chete mambo weAradhi mumwe — chete
15
mambo weRibhina mumwe — chete mambo weAdhuramu mumwe — chete
16
mambo weMakedha mumwe — chete mambo weBheteri mumwe — chete
17
mambo weTapua mumwe — chete mambo weHeferi mumwe — chete
18
mambo weAfeki mumwe — chete mambo weRasharoni mumwe — chete
19
mambo weMadhoni mumwe — chete mambo weHazori mumwe — chete
20
mambo weShimuroni Meroni mumwe — chete mambo weAkishafi mumwe — chete
21
mambo weTaanaki mumwe — chete mambo weMegidho mumwe — chete
22
mambo weKadheshi mumwe — chete mambo weJokineamu muKarimeri mumwe — chete
23
mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe — chete mambo weGoyimi muGirigari mumwe — chete
24
mambo weTiriza mumwe — chete madzimambo makumi matatu nomumwe pamwe chete.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24