bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Joshua 4
Joshua 4
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
1
Rudzi rwose parwakapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akati kuna Joshua,
2
“Sarudza varume gumi navaviri kubva pakati pavanhu, mumwe chete parudzi rumwe norumwe,
3
Ugovaudza kuti vatore mabwe gumi namaviri kubva pakati peJorodhani panga pakamira vaprista chaipo mugoatakura mugoaisa pamunorara nhasi manheru.”
4
Saka Joshua akadaidza varume gumi navaviri vaakanga asarudza kubva kuvaIsraeri, mumwe chete kubva parudzi rumwe norumwe,
5
Akati kwavari, “Endai pamberi peareka yaJehovha mupinde pakati peJorodhani. Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutakura dombo pafudzi pake zvichienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri,
6
kuti ave chiratidzo pakati penyu. Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’
7
muvataurire kuti mvura yeJorodhani yaiyerera yakaganhurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha. Pavakayambuka Jorodhani, mvura yeJorodhani yakaganhurwa. Matombo aya anofanira kuva chirangaridzo kuvanhu veIsraeri nokusingaperi.”
8
Saka vaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naJoshua. Vakatora matombo gumi namaviri kubva pakati peJorodhani, aienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri, sezvakanga zvataurirwa Joshua naJehovha; vakaatakura vakaenda nawo kumisasa yavo kwavakanoaisa pasi.
9
Joshua akamisa matombo gumi namaviri akanga ari pakati peJorodhani pakanga pakamira vaprista vakanga vakatakura areka yesungano. Uye achiripo nanhasi uno.
10
Vaprista vakanga vakatakura areka vakaramba vakamira pakati peJorodhani kusvikira zvose zvakanga zvarayirwa Joshua naJehovha zvaitwa navanhu, sokurayirwa kwakanga kwaitwa Joshua naMozisi. Vanhu vakakurumidza kuyambuka
11
uye vose vachangoyambuka, areka yaJehovha navaprista vakayambukawo vanhu vakavatarisa.
12
Varume vokwaRubheni nevokwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakayambuka, vakashonga nhumbi dzokurwa, pamberi pavaIsraeri, sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMozisi.
13
Vanenge zviuru makumi mana vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, vakayambukira mhiri pamberi paJehovha vakaenda kumapani eJeriko kundorwa.
14
Pazuva iroro Jehovha akasimudzira Joshua pamberi pavaIsraeri vose; vakamuremekedza mazuva oupenyu hwake ose sokuremekedza kwavaiita Mozisi.
15
Zvino Jehovha akati kuna Joshua,
16
“Rayira vaprista vakatakura areka yeChipupuriro kuti vabude kubva muJorodhani.”
17
Saka Joshua akarayira vaprista achiti, “Budai muJorodhani.”
18
Zvino vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vachangobuda kubva pakati peJorodhani, tsoka dzavo dzichangotsika ivhu rakaoma, mvura yeJorodhani yakadzokera panzvimbo yayo ikazara kusvika nokumahombekombe ose.
19
Pazuva regumi romwedzi wokutanga vanhu vakabuda kubva muJorodhani vakavaka misasa paGirigari pamuganhu wokumabvazuva eJeriko.
20
Zvino Joshua akamisa matombo gumi namaviri paGirigari avakanga vatora kubva muJorodhani.
21
Akati kuvaIsraeri, “Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza madzibaba avo vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’
22
muvataurire kuti, ‘Israeri yakayambuka Jorodhani pavhu rakaoma.’
23
Nokuti Jehovha Mwari wenyu akaomesa Jorodhani pamberi penyu kusvikira mayambuka. Jehovha Mwari wenyu akaita kuJorodhani sezvaakaita kuGungwa Dzvuku paakariomesa pamberi pedu kusvikira tayambuka.
24
Akaita izvi kuitira kuti ndudzi dzose dzapanyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha rune simba uye kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24